|
| 1 |
|
| imwi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere. |
|
| 2 |
|
| Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu. |
|
| 3 |
|
| Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikamwa kwazvo, namai vangu; |
|
| 4 |
|
| Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, "moyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame. |
|
| 5 |
|
| Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukangamwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu; |
|
| 6 |
|
| Usahurasha, hugokuchengeta; Uhude, hugokurinda. |
|
| 7 |
|
| Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. |
|
| 8 |
|
| Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira. |
|
| 9 |
|
| Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya." |
|
| 10 |
|
| Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji. |
|
| 11 |
|
| Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama. |
|
| 12 |
|
| Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi. |
|
| 13 |
|
| Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo hupenyu hwako. |
|
| 14 |
|
| Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata. |
|
| 15 |
|
| Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako. |
|
| 16 |
|
| Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe. |
|
| 17 |
|
| Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokumwa waini yokumanikidza. |
|
| 18 |
|
| Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru. |
|
| 19 |
|
| Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa. |
|
| 20 |
|
| Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. |
|
| 21 |
|
| Urambe uchitarira, Uachengete mukati momoyo wako. |
|
| 22 |
|
| Nokuti ndihwo hupenyu kuna vanowawana, Noukukutu bwemuviri yavo yose. |
|
| 23 |
|
| Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu. |
|
| 24 |
|
| Bvisa kwauri nhema dzomuromo, Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe. |
|
| 25 |
|
| Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako. |
|
| 26 |
|
| Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba. |
|
| 27 |
|
| Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa. |
|
|
|
|