|
| 1 |
|
| Chinzwai vanangu chidzidziso chababa muteerere kuti muone zvinhu nemazvo |
|
| 2 |
|
| nokuti ndichakupai mirao yakanaka, musakande pasi zvandinokudzidzisai. |
|
| 3 |
|
| Zvandaiva mukomana ndiina baba vangu, ndichiri mudiki, ndichingove ndini mwana mumwechete waamai vangu |
|
| 4 |
|
| vakandidzidzisa vachiti, “Chengeta nomwoyo wose zvandinokutaurira chengeta mitemo yangu kuti urarame. |
|
| 5 |
|
| Iva noungwaru uone zvinhu nemazvo usakanganwe, usatsauke pamashoko omuromo wangu. |
|
| 6 |
|
| Usasiane noungwaru, ihwo huchakuchengeta hude, ihwo huchakuchengetedza. |
|
| 7 |
|
| Chinhu chokutanga paungwaru, wana ungwaru. Pana zvose zvaungawane wana kunzwisisa.” |
|
| 8 |
|
| Huremekedze zvikuru ihwo huchakusimudzira kana ukahumbundira. |
|
| 9 |
|
| Hunokudzika tsungare yamaruva mumusoro hugokugadza ndaza yakanaka. |
|
| 10 |
|
| Teerera mwanangu, utambire zvandinokutaurira kuti makore oupenyu hwako awande. |
|
| 11 |
|
| Ndakakudzidzisa nzira dzoungwaru ndikakutungamirira mumakwara ukava pachokwadi. |
|
| 12 |
|
| Kana wofamba, nhanho dzako hadzizovhiringidzwi, kana womhanya haugumburwi. |
|
| 13 |
|
| Batisisa zvaunodzidziswa, usazvikande pasi, ramba wakazvichengeta nokuti ndihwo upenyu hwako. |
|
| 14 |
|
| Usafambe namakwara avaipi kana kutevera nzira dzavakaipa. |
|
| 15 |
|
| Siana nayo, usadimure nekwairi. Tsaukana nayo uinyenyeredze. |
|
| 16 |
|
| Ndinodaro nokuti havakwanisi kuvata kana vasina kuita zvakaipa, havawane hope, kusvikira vatovhiringidza mumwe munhu, |
|
| 17 |
|
| nokuti uipi ndicho chokudya chavo uye utsinye ndiyo waini yavanonwa. |
|
| 18 |
|
| Gwara ravarurami rakaita samambakwedza anoramba achingochena kusvikira ava masikati makuru. |
|
| 19 |
|
| Asi nzira yavakaipa yakaita sezarima havambozivi chinogumbura. |
|
| 20 |
|
| Mwanangu teerera mashoko angu rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. |
|
| 21 |
|
| Ngazvirege kupunyuka ziso rako zvichengete mumwoyo mako |
|
| 22 |
|
| nokuti upenyu kuna anozviwana uye zvinorapa nyama yake yose. |
|
| 23 |
|
| Nyatsochengetedza mwoyo wako nomwoyo wose nokuti mauri ndimo mune zvisipiti zvoupenyu. |
|
| 24 |
|
| Bvisa mauri muromo wenhema uye pamuromo pako kutaura zvisizvo. |
|
| 25 |
|
| Kutarisa kwako ngakuti twasa, yeva zviri pamberi pako. |
|
| 26 |
|
| Tanga wafunga nzira yauchafamba nayo. Nzira dzako dzigove muchechetere |
|
| 27 |
|
| usatsaukire kurudyi kana kuruboshe tsoka yako ngairege kuenda kunezvakaipa. |
|
|
|
|