Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere. |
| 2 |
| Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murairo wangu. |
| 3 |
| Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu; |
| 4 |
| Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, “Mwoyo wako ngaunatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame. |
| 5 |
| Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu; |
| 6 |
| Usaurasha, hugokuchengeta; Uude, hugokurinda. |
| 7 |
| Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. |
| 8 |
| Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira. |
| 9 |
| Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.” |
| 10 |
| Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji. |
| 11 |
| Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama. |
| 12 |
| Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi. |
| 13 |
| Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo upenyu hwako. |
| 14 |
| Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata. |
| 15 |
| Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako. |
| 16 |
| Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe. |
| 17 |
| Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza. |
| 18 |
| Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru. |
| 19 |
| Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa. |
| 20 |
| Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. |
| 21 |
| Urambe uchitarira, Uachengete mukati momwoyo mako. |
| 22 |
| Nokuti ndihwo upenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose. |
| 23 |
| Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu. |
| 24 |
| Bvisa kwauri nhema dzomuromo; Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe. |
| 25 |
| Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako. |
| 26 |
| Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba. |
| 27 |
| Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/proverbs/004.mp3
31
4