|
| 1 |
|
| Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, Viga mirairo yangu kwauri. |
|
| 2 |
|
| Chengeta mirairo yangu, urarame; Nomurau wangu semboni yeziso rako. |
|
| 3 |
|
| Uzvisungire pamweya wako; Uzvinyore pabwendefa romoyo wako. |
|
| 4 |
|
| Uti kuuchenjeri, "Ndiwe hanzvadzi yangu; Utumidze njere shamwari yako;" |
|
| 5 |
|
| Kuti zvikuchengete pamukadzi wokumwe, Pamutorwa anobata kumeso namashoko ake. |
|
| 6 |
|
| Nokuti ndakatarira pahwindo reimba yangu, Pahutanda bwehwindo rangu; |
|
| 7 |
|
| Ndikatarira pakati pavasina mano, Ndikaona pakati pamajaya. Rimwe jaya rakashaiwa njere; |
|
| 8 |
|
| Richipfuura nenzira yomumusha pedo nekona yeimba yomukadzi |
|
| 9 |
|
| Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba. |
|
| 10 |
|
| Zvino tarira, mukadzi akasangana naye, Akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamoyo. |
|
| 11 |
|
| Anopupira, achiita sezvaanoda; Tsoka dzake hadzigari mumba make; |
|
| 12 |
|
| Imwe nguva ari munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; Anorindira pamakona ose. |
|
| 13 |
|
| Zvino iye akamubata, akamutsvoda; Akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari, |
|
| 14 |
|
| "Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzangu. |
|
| 15 |
|
| Saka ndabuda kuzokuchingamidza, Nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana. |
|
| 16 |
|
| Ndakawarira machira anohukomba pamubhedha wangu, Nemicheka ina mavara inobva Ijipiti. |
|
| 17 |
|
| Ndakasasa zvinonhuhwira pamubhedha wangu, Mura, negavakava, nekinamoni. |
|
| 18 |
|
| Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani; Ngatizvifadze nokudana kukuru. |
|
| 19 |
|
| Nokuti murume haapo pamusha; Akafamba rwendo rukuru; |
|
| 20 |
|
| Akaenda nehombodo ine mari; Achadzoka pajenaguru." |
|
| 21 |
|
| Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake. |
|
| 22 |
|
| Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa; |
|
| 23 |
|
| Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake. |
|
| 24 |
|
| Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu. |
|
| 25 |
|
| moyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake. |
|
| 26 |
|
| Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo. |
|
| 27 |
|
| Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu. |
|
|
|
|