×

Bhaibhiri Idzva 2008

Zvirevo 7

1
Mwanangu, chengetedza mashoko angu upfimbike mitemo yangu mauri.
2
Chengeta mitemo yangu urarame chengeta mirao yangu semboni yeziso rako.
3
Isungirire paminwe yako. Inyore pakafendefa kemwoyo wako,
4
iti kuungwaru, “Uri hanzvadzi yangu.” Kunzwisisa ukuti, “Ndiwe shamwari yangu yapamwoyo.”
5
Zvinokudzivirira kumukadzi asiwako, mukadzi pfambi worurimi rwunotapira.
6
Nokuti ndiri pahwindho remba yangu ndakatarisa napasefa yangu.
7
Ndakaona pakati pevoruzhinji ndikaongorora pane vechidiki jaya risina njere,
8
richipfuura nepedyo nomukadzi uya richienda nenzira inoenda kumba kwake
9
nguva yoruvhunzavaeni kumanheru panguva yousiku, yerima.
10
Ndopandakaona mukadzi osangana naye akapfeka sepfambi aine zvaainanga
11
achipupira kwazvo kutaura asingagari pamba.
12
Akamboti mumugwagwa, hoyo kumusika anogaririra pakona dzose dzose.
13
Akamubata akamutsvoda akati kwaari, zvisina nenyadzi dzose,
14
“Ndanga ndiine chibayiro chokuti ndipire ndazadzisa nhasi mhiko dzangu.
15
Ndokusaka ndauya, kuzokuchingura ndichikutsvagisisa zvino ndakuwana.
16
Ndawaridza mubhedha wangu zvakanaka namachira emavara-mavara okuIjipiti erineni.
17
Ndapfapfadzira mubhedha nemura, nearoi nechinamoni.
18
Uya tigutsane nezvorudo kusvikira kwaedza ngatifadzane nerudo
19
nokuti murume wangu haapo, akafamba rwendo rurefu.
20
Akatakura katsapo kemari anozodzoka mwedzi wave jenaguru.”
21
Akamugombedzera namashoko mazhinji okunyengetedza, namazwi ake akanyorovera akamumanikidza.
22
Iyewo akabva amutevera pakarepo senzombe iri kuenda kundouraiwa, sebenzi riri kutungamidzwa kuchitokisi
23
kusvikira abaiwa mudumbu, seshiri inomhanyira muriva, asingazivi kuti kuparara kwoupenyu hwake.
24
Zvino imi vanakomana ndinzwei muteerere mashoko omuromo wangu.
25
Mwoyo wako ngaurege kupindukira kunzira dzake usagare munzira dzake
26
nokuti vaakakuvadza akarigira pasi vakawanda.
27
Imba yake inzira yokuenda kunzvimbo yavafi, inodzika kudzimba dzorufu.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society Of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa