|
| 1 |
|
| Ko Uchenjeri hahudanidziri here? Nenjere hadzibudisi manzwi adzo here? |
|
| 2 |
|
| Pamusoro pemitunhu panzira, Pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire; |
|
| 3 |
|
| Parutivi rwamasuo, panopindwa paguta, Pavanopinda pamikova, ndipo pahunodanidzira; huchiti, |
|
| 4 |
|
| "Ndinodanidzira kwamuri, imwi varume, Inzwi rangu rinodana vanakomana vavanhu. |
|
| 5 |
|
| nzwisisai uchenjeri, imwi vasina mano; imwi mapenzi, ivai nomoyo une njere. |
|
| 6 |
|
| Inzwai, nokuti ndichataura zvinhu zvakaisvonaka; Nokuti miromo yangu ichashamira zvinhu zvakarurama. |
|
| 7 |
|
| Nokuti muromo wangu unobudisa zvokwadi; Chinhu chakaipa chinonyangadza pamiromo yangu. |
|
| 8 |
|
| Mashoko ose omuromo wangu akarurama; Hakuna chinhu chakakombama kana chisakarurama maari; |
|
| 9 |
|
| Zvose zviri pachena kuno anenjere; Zvakarurama kuna ivo vakawana zivo. |
|
| 10 |
|
| Gamuchirai kuraira kwangu, murege kugamuchira sirivha; Nezivo, kupfuura ndarama yakasarurwa. |
|
| 11 |
|
| Nokuti uchenjeri hwakanaka kupfuura korari; Zvose zvinodikamwa nomunhu hazvingaenzaniswi nahwo. |
|
| 12 |
|
| Ini uchenjeri ndakaita kungwara imba yangu, Ndinowana zivo namano akarurama. |
|
| 13 |
|
| Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; Kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga. |
|
| 14 |
|
| Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana; Ndini kuchenjera; ndine simba. |
|
| 15 |
|
| Madzimambo anobata ushe neni, Vabati vanotonga vanhu neni. |
|
| 16 |
|
| Madzishe anofambisa ushe neni, Navakuru, ivo vatongi vose vapasi. |
|
| 17 |
|
| Ndinoda vanondida; Vanonditsvaka nomoyo wose vachandiwana. |
|
| 18 |
|
| fuma nokukudzwa zvineni, Zvinokosha zvakaisvonaka nokururama. |
|
| 19 |
|
| Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; Zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa. |
|
| 20 |
|
| Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa; |
|
| 21 |
|
| Kuti ndigarise nhaka vanondida, Ndizadze zvivigiro zvefuma yavo. |
|
| 22 |
|
| Jehovha akandiumba pakuvamba kwenzira yake, Kutangira mabasa ake akare. |
|
| 23 |
|
| Ini ndakamiswa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, Pasi pasati pasikwa. |
|
| 24 |
|
| Makungwa asati avapo, ini ndakaberekwa; Pasina matsime ane mvura zhinji. |
|
| 25 |
|
| Makomo asati anyudzwa, Zvikomo zvisipo, ini ndakaberekwa; |
|
| 26 |
|
| Iye asati aumba pasi namapani, Kana guruva rokutanga renyika. |
|
| 27 |
|
| Panguva yaakagadzira kudenga-denga, ndakanga ndiripo; Pakuisa kwake denderedzwa pamusoro pamakungwa; |
|
| 28 |
|
| Panguva yaakasimbisa denga rose kumusoro, Pakusimba kwamatsime amakungwa; |
|
| 29 |
|
| Panguva yaakaitira gungwa miganho yaro, Kuti mvura irege kudarika murayiro wake, Pakutara kwake nheyo dzapasi; |
|
| 30 |
|
| Nenguva iyo ndaiva naye, ndiri mhizha; Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, Ndichitamba pamberi pake nguva dzose, |
|
| 31 |
|
| Ndichitamba panyika yake, Ndichifadzwa navanakomana vavanhu. |
|
| 32 |
|
| Saka zvino vanakomana vangu, nditeererei; Nokuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa. |
|
| 33 |
|
| Inzwai kurairira muve vakachenjera, Regai kukuramba. |
|
| 34 |
|
| Munhu, anondinzwa, akaropafadzwa, Anorinda zuva rimwe nerimwe pamasuo angu, Anomira pazvivivo zvemikova yangu. |
|
| 35 |
|
| Nokuti andiwana, awana hupenyu, Achapiwa nyasha naJehovha. |
|
| 36 |
|
| Asi anondishaiwa, anotadzira mweya wake; |
|
|
|
|