Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe; |
| 2 |
| Hwakabaya zvipfuwo zvahwo; Hwakavhenganisa waini yahwo; Hwakagadzirawo tafura yahwo. |
| 3 |
| Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti, |
| 4 |
| "Asina mano ngaatsaukire muno;" Asina njere, hunoti kwaari, |
| 5 |
| "Uyai mudye chingwa changu, Mumwe waini yandakavhenganisa. |
| 6 |
| Regai kusasvinuka murarame; Mufambe nenzira yenjere." |
| 7 |
| Munhu, anoraira mudadiri anozvitsvakira kunyadziswa; Anotuka munhu wakaipa achasvibiswa. |
| 8 |
| Usaraira mudadiri, kuti arege kukuvenga; Raira munhu wakachenjera, iye achakuda. |
| 9 |
| Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye achawedzerwa huchenjeri; Dzidzisa wakarurama, ipapo iye achawedzerwa zivo. |
| 10 |
| Kuvamba kouchenjeri ndiko kutya Iehovha., Kuziva Mutsvene ndidzo njere. |
| 11 |
| Nokuti neni mazuva ako achaitwa mazhinji, Makore oupenyu hwako achawedzerwa. |
| 12 |
| Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako; Kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo. |
| 13 |
| Mukadzi benzi anopupira; Haana mano, haazivi chinhu. |
| 14 |
| Anogara pamukova weimba yake, Pachigaro pamitunhu yeguta. |
| 15 |
| Kuti adanidzire kuna vanopfuura napo, Ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti, |
| 16 |
| "Ani naani asina mano, ngaatsaukire muno;" Asine njere, mukadzi anoti kwaari, |
| 17 |
| "Mvura yabiwa inozipa, Chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka." |
| 18 |
| Asi haazivi kuti vanopindamo vanofa; Kuti vakakokerwa naye vari mukati-kati meSheori. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/proverbs/009.mp3
31
9