Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Nhunzi dzakafa dzinonhuhwisa nokuodza chizoro chomuvenganisi wezvinonhuhwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa. |
| 2 |
| Moyo womunhu wakachenjera uri kurudyi rwake, asi moyo webenzi uri kuruboshwe rwake. |
| 3 |
| Zvirokwazvo, kana benzi richifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinozivisa vose kuti ndiri benzi. |
| 4 |
| Kana kutsamwa komubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; nokuti unyoro hunonyaradza mhosva huru. |
| 5 |
| Chinhu chakaipa chiripo chandakaona pasi pezuva, kuri kutadza kunobva kuvabati. |
| 6 |
| Upenzi hunoiswa pakakwirira, asi vafumi vanogara pakaderera. |
| 7 |
| Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, namachinda achifamba pasi savaranda. |
| 8 |
| Anochera gomba, achawiramo amene; ani naani anokoromora rusvingo, nyoka ichamuruma. |
| 9 |
| Ani naani anoputsa mabwe, angakuvadzwa nawo; uye anobanzura huni, ari panjodzi. |
| 10 |
| Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa. |
| 11 |
| Kana nyoka ikaruma isati yarapwa namazango, n'anga haibatsiri. |
| 12 |
| Mashoko anobva mumuromo woakachenjera, anofadza; asi miromo yebenzi inomumedza iye. |
| 13 |
| Kutanga kwamashoko omuromo waro upenzi; nokuguma kokutaura kwaro upengo hwakashata. |
| 14 |
| Benzi rinowanzawo mashoko; asi munhu haazivi zvichavapo; ndiani angamuzivisa zvichazovapo shure kwake? |
| 15 |
| Kubata kwamapenzi kunonetsa mumwe nomumwe wavo; nokuti haatongozivi nzira yokuenda nayo kuguta. |
| 16 |
| Iwe nyika une nhamo, kana mambo wako ari mwana, kana machinda ako achiita mutambo mangwanani. |
| 17 |
| Unomufaro, iwe nyika, kana mambo wako ari mwanakomana wavakakudzwa, kana machinda ako achiita mutambo panguva yakafanira, kuti asimbiswe, asingaitiri kubatwa. |
| 18 |
| Nousimbe denga reimba rinosakara; nokusabata kwamaoko imba inodonha. |
| 19 |
| Mutambo unoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu; zvose zvingawanikwa nemari. |
| 20 |
| Usatuka mambo, kunyange pakufunga kwako; usatuka mufumi paimba yako yokuvata; nokuti shiri yokudenga ingatakura inzwi, uye izvo zvinamapapiro zvingazivisa shoko. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/ecclesiastes/010.mp3
12
10