|
| 1 |
|
| Chinhu chimwe nechimwe chino musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro. |
|
| 2 |
|
| Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa; nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa; |
|
| 3 |
|
| nguva yokuuraya, nenguva yokuporesa; nguva yokuputsa, nenguva yokuvaka; |
|
| 4 |
|
| nguva yokuchema, nenguva yokuseka; nguva yokuungudza, nenguva yokupembera; |
|
| 5 |
|
| nguva yokurasha mabwe, nenguva yokuunganidza mabwe; nguva yokumbundikira, nenguva yokurega kumbundikira; |
|
| 6 |
|
| nguva yokutsvaka, nenguva yokurega zvirashike; nguva yokuchengeta, nenguva yokurasha; |
|
| 7 |
|
| nguva yokubvarura, nenguva yokusona; nguva yokunyarara, nenguva yokutaura; |
|
| 8 |
|
| nguva yokuda, nenguva yokurwa, nenguva yorugare. |
|
| 9 |
|
| Ko iye anobata anobatsirwei nezvaanotamburira? |
|
| 10 |
|
| Ndakaona kutambudzika kwakapiwa vanakomana vavanhu naMwari, kuti vazvitambudze nazvo. |
|
| 11 |
|
| Chinhu chimwe nechimwe akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira. |
|
| 12 |
|
| Ndinoziva kuti hakune chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose. |
|
| 13 |
|
| Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, amwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kose. |
|
| 14 |
|
| Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari, zvichagara nokusingaperi; hakune chinhu chingawedzerwa, kana chingabviswa pazviri; Mwari akazviita izvozvo, kuti vanhu vamutye. |
|
| 15 |
|
| Zviripo zvino, zvakanguva zvavapo; uye izvo, zvichavapo, zvakanguva zvavapo; anotsvakazve zvakanga zvapfuura. |
|
| 16 |
|
| Uyezve, ndakaona pasi pezuva, kuti panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo; uye panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo. |
|
| 17 |
|
| Ndakati mumoyo mangu, "Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa, nokuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe." |
|
| 18 |
|
| Ndakati mumoyo mangu, "Izvi zvinoitwa nokuda kwavanakomana vavanhu, kuti Mwari avaidze, aone kuti ivo vamene vakangoita semhuka." |
|
| 19 |
|
| Nokuti zvinoitirwa vanakomana vavanhu ndizvo zvinoitirwawo mhuka; zvose zvinoitirwa chinhu chimwe. Mufiro womunhu, ndiwo mufiro wemhuka, zvose zvinokufema kumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo. |
|
| 20 |
|
| Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu. |
|
| 21 |
|
| Ndiani ungaziva kana kufema kunopa upenyu kumunhu kunokuisa kumusoro, kana kufema kunopa upenyu kumhuka kuchiburukira pasi? |
|
| 22 |
|
| Saka ndakaona kuti hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu afarire mabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiani achamudzosazve kuti aone zvichamutevera. |
|
|
|
|