|
| 1 |
|
| Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nokuti kuswedera kuzonzwa kunopfuura kubayira chibayiro chamapenzi; nokuti havazivi kuti vanoita zvakaipa. |
|
| 2 |
|
| Usakurumidza nomuromo wako, moyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma. |
|
| 3 |
|
| Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji, nenzwi rebenzi namashoko mazhinji. |
|
| 4 |
|
| Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika. |
|
| 5 |
|
| Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi. |
|
| 6 |
|
| Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko inzwi rako,akaparadza basa ramaoko ako?" |
|
| 7 |
|
| Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari. |
|
| 8 |
|
| Kana uchiona murombo achimanikidzwa, nokururamisa nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nokuti mukuru kuvakuru vose anocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari. |
|
| 9 |
|
| Nokuti nyika inobatsirwa zvikuru nechinhu ichi, mambo anofarira kurimiwa kweminda. |
|
| 10 |
|
| Anoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye anoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo. |
|
| 11 |
|
| Kana fuma ichiwanda, vadyi vanowandawo; mwene wayo anobatsirwei, asi kungoona nameso ake. |
|
| 12 |
|
| Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta komufumi hakumutenderi kuvata. |
|
| 13 |
|
| Kune chinhu chakaisvoipa, chandakaona pasi pezuva, fuma inochengetwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo. |
|
| 14 |
|
| fuma iyo inopera nechinhu chakaipa chinomuwira; kana achinge abereka mwanakomana, haana chinhu muruoko rwake. |
|
| 15 |
|
| Sezvaakabuda mudumbu ramai vake, achadzokazve asina chinhu, sezvaakabuda; haana chaakatamburira, chaangatora, chaangaenda nacho muruoko rwake. |
|
| 16 |
|
| Nechinhu ichi chakaisvoipawo, kuti pazvose, sezvaakauya, saizvozvo achaendazve; zvino achawaneiko, zvaakatamburira mhepo? |
|
| 17 |
|
| Mazuva ake osewo anodya murima, anotambudzika kwazvo; anourwere neshungu. |
|
| 18 |
|
| Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, amwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nokuti ndiwo mugove wake. |
|
| 19 |
|
| Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari fuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari. |
|
| 20 |
|
| Nokuti iye haangarangariri zvikuru mazuva oupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura pamufaro womoyo wake. |
|
|
|
|