|
| 1 |
|
| Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa. |
|
| 2 |
|
| Ndinoti, "Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari." |
|
| 3 |
|
| Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda. |
|
| 4 |
|
| Nokuti shoko ramambo rine simba, ndiani angati kwaari, "Munoiteiko?" |
|
| 5 |
|
| Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; moyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa. |
|
| 6 |
|
| Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata komunhu kunomuremedza; |
|
| 7 |
|
| nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini? |
|
| 8 |
|
| Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukangamwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita. |
|
| 9 |
|
| Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa. |
|
| 10 |
|
| Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo. |
|
| 11 |
|
| Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, moyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa. |
|
| 12 |
|
| Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka; |
|
| 13 |
|
| asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari. |
|
| 14 |
|
| Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, "Naizvozvi hazvina maturo." |
|
| 15 |
|
| Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, amwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva. |
|
| 16 |
|
| Zvino ndakati ndichirangarira nomoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati novusiku), |
|
| 17 |
|
| ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa. |
|
|
|
|