Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Rwiyo rukuru rwaSoromoni. |
| 2 |
| Ngaanditsvode nokutsvoda kwomuromo wake; Nokuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini. |
| 3 |
| Zvizoro zvako zvinonhuwira zvakanaka; Zita rako rakaita samafuta akadururwa; Saka mhandara dzinokuda. |
| 4 |
| Ndikwevere kwauri; tichakutevera tichimhanya; Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati; Tichafara nokukufarira zvikuru iwe; Ticharumbidza rudo rwako kupfuura waini; Zvakarurama zvavakakuda. |
| 5 |
| Ndakasviba, asi ndakanaka hangu, Imi vakunda veJerusaremu, Samatende eKedhari, Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni. |
| 6 |
| Musanditarira, zvandakasviba, Nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindi weminda yemizambiringa; Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta. |
| 7 |
| Ndiudze iwe, unodikanwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako? |
| 8 |
| Kana usingazivi, iwe unopfuura vakadzi vose nokunaka, Tevera makwara amapoka, Ufudze makwayana ako kurutivi rwamatende avafudzi. |
| 9 |
| Ndakakuenzanisa iwe, mudiwa wangu, Nebhiza pangoro dzaFarao. |
| 10 |
| Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; Mutsipa wako nezvibwe zvinokosha zvakatungirwa. |
| 11 |
| Tichakuitira zvirukwa zvendarama Nezvuma zvesirivha. |
| 12 |
| Nguva yose mambo agere patafura yake, Nado yangu yakabudisa kunhuwira kwayo. |
| 13 |
| Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura, Inogara pakati pamazamu angu. |
| 14 |
| Mudiwa wangu akaita kwandiri sesumbu ramaruva ehena, Paminda yemizambiringa paEngedhi. |
| 15 |
| Tarira, akanaka, shamwari yangu; Tarira, akanaka; Meso ako akafanana neenjiva. |
| 16 |
| Tarira, akanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo, unofadza; Uvato hwedu ndipo pabumhudza. |
| 17 |
| Matanda eimba yedu ndeemisidhari; Mbariro dzayo ndedzemipaini. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/songofsolomon/001.mp3
8
1