|
| 1 |
|
| Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani. |
|
| 2 |
|
| Seruva pakati pemhinzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda. |
|
| 3 |
|
| Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukamwa wangu. |
|
| 4 |
|
| Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo. |
|
| 5 |
|
| Nditsigirei namazambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; Nokuti ndinorwara norudo. |
|
| 6 |
|
| Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira. |
|
| 7 |
|
| Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. |
|
| 8 |
|
| Inzwai inzwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo. |
|
| 9 |
|
| Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri korusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo. |
|
| 10 |
|
| Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, "Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!" |
|
| 11 |
|
| Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda; |
|
| 12 |
|
| Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nenzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu. |
|
| 13 |
|
| Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuhwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu huya! |
|
| 14 |
|
| Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; Nokuti inzwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka. |
|
| 15 |
|
| Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira minda yemizambiringa; Nokuti minda yedu yemizambiringa yotunga maruva. |
|
| 16 |
|
| Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo. |
|
| 17 |
|
| Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara nomwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri. |
|
|
|
|