Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Usiku, ndiri panhoo dzangu, Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana. |
| 2 |
| Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe–fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana. |
| 3 |
| Varindi, vanofamba–famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, “Matongoona anodikanwa nomweya wangu here?” |
| 4 |
| Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka. |
| 5 |
| Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada pacharwo. |
| 6 |
| Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje Seshongwe dzohutsi, Anonhuwira nemura nezvinonhuwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi? |
| 7 |
| Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; Mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzaVaIsiraeri. |
| 8 |
| Vose vanoziva kubata munondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe ano munondo wake pahudyu yake, Nokuda kwezvinotyisa usiku. |
| 9 |
| Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa Chamatanda eRebhanoni. |
| 10 |
| Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, pokugara kwacho nomucheka mutsvuku, Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu. |
| 11 |
| Budai, imi vakunda veZioni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womwoyo wake. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/songofsolomon/003.mp3
8
3