|
| 1 |
|
| Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi. |
|
| 2 |
|
| Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro. |
|
| 3 |
|
| Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Matama ako uri mumumbure wako akaita sezvikamu zviviri zvedamba. |
|
| 4 |
|
| Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi yakavakwa zvinoyevedza. Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru dzose dziri nhoo dzemhare. |
|
| 5 |
|
| Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara, mapatya emhara dzinofura pamwe chete pakati pamaruva. |
|
| 6 |
|
| Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yotiza, ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuwira. |
|
| 7 |
|
| Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo. |
|
| 8 |
|
| Ngatiendei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu, ngatiendei tose kuRebhanoni. Buruka kubva pamusoro-soro peAmana, kubva pamusoro peSeniri, panhongonya peHerimoni, kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada. |
|
| 9 |
|
| Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; ndatorwa mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako. |
|
| 10 |
|
| Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini. Uye kunhuwira kwamafuta ako okuzora vkunokunda zvose zvinonhuwira. |
|
| 11 |
|
| Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni. |
|
| 12 |
|
| Wakaita sebindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Wakaita setsime rakakomberedzwa nechisipiti chakavakirirwa. |
|
| 13 |
|
| Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi, |
|
| 14 |
|
| naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuwira nemura negavakava, uye zvose zvinonhuwira zvakanakisisa. |
|
| 15 |
|
| Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni. |
|
| 16 |
|
| Muka iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira. |
|
|
|
|