|
| 1 |
|
| Tarira, akanaka sei, mudiwa wangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriadhi. |
|
| 2 |
|
| Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa, Anobva pakushambwa; Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana. |
|
| 3 |
|
| Miromo yako yakafanana netambo yakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako. |
|
| 4 |
|
| Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi. Yakavakirwa nhumbi dzokurwa, Makaturikwa nhoo dzine chiuru chezana, Dzose dziri nhoo dzemhare. |
|
| 5 |
|
| Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vari vana vakaberekwa vari vaviri, Vanochera pakati pamaruva ebundo. |
|
| 6 |
|
| Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza, Ndichaenda kugomo remura, Nokuchikomba chezvinonhuwira. |
|
| 7 |
|
| Akaisvonaka, iwe mudiwa wangu; Hakuna gwapa kwauri. |
|
| 8 |
|
| Hendei tose, iwe mwenga wangu, tibve paRebhanoni, Tibve paRebhanoni tose; Tarira uri pamusoro weAmana, Pamisoro yeSeniri neHerimoni, Panzvimbo dzeshumba, Pamakomo engwe. |
|
| 9 |
|
| Wanditorera mwoyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera mwoyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako. |
|
| 10 |
|
| Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuwira! |
|
| 11 |
|
| Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi ouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebhanoni. |
|
| 12 |
|
| Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa. |
|
| 13 |
|
| Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenarido, |
|
| 14 |
|
| Narido nesafironi, Karamusi nesinamoni, nemiti yose inonhuwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira. |
|
| 15 |
|
| Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni. |
|
| 16 |
|
| Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka. |
|
|
|
|