|
| 1 |
|
| Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Inwai, zvirokwazvo, inwai zvikuru, vadiwa vangu. |
|
| 2 |
|
| Ndakanga ndivete, asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura; Izwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; Nokuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.” |
|
| 3 |
|
| Ndabvisa nguo yangu; ndingaifuka sei? Ndashambidza tsoka dzangu; ndingadzisvibisa sei? |
|
| 4 |
|
| Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake napavhuri romukova, Mwoyo wangu ukamushuva. |
|
| 5 |
|
| Ndakasimuka, ndichiti ndizarurire mudiwa wangu; Maoko angu akadonha mura, Neminwe yangu mura inoyerera, Pazvibato zvechizarira. |
|
| 6 |
|
| Ndakazarurira mudiwa wangu; Asi mudiwa wangu akanga atendeuka, aenda. Mweya wangu akanga watorwa pakutaura kwake; Nakamutsvaka, asi handina kumuwana; Ndikamudana, asi haana kundipindura. |
|
| 7 |
|
| Varindi, vanofamba–famba neguta, vakandiwana; Vakandirova, vakandikuvadza; Vatariri vamasvingo vakanditorera jasi rangu. |
|
| 8 |
|
| Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kana mukawana mudiwa wangu, Mumuudze kuti ndinorwara norudo. |
|
| 9 |
|
| Ko mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa neiko, Nhai, iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Ko mudiwa wako unopfuura vamwe vadiwa neiko, Zvaunotipikira saizvozvo? |
|
| 10 |
|
| Mudiwa wangu akachena nokutsvuka, Anozikanwa pakati pezana ramazana. |
|
| 11 |
|
| Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka; Vhudzi rake rakapetana, idema segunguo. |
|
| 12 |
|
| Meso ake akaita seenjiva pahova dzemvura, Dzakashambwa nomukaka, sezvibwe zvakarongedzwa zvakanaka. |
|
| 13 |
|
| Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira, Samatutu emiriwo inonaka; Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura inoyerera. |
|
| 14 |
|
| Maoko ake akaita samapango endarama, akaiswa bheriri; Muviri wake wakaita senyanga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro. |
|
| 15 |
|
| Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kwose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari. |
|
| 16 |
|
| Muromo wake wakanaka kwazvo; Zvirokwazvo, wakaisvonaka kwazvo–kwazvo. Ndizvo zvakaita mudiwa wangu, ndizvo zvakaita shamwari yangu, Imi vakunda veJerusaremu. |
|
|
|
|