|
| 1 |
|
| Ko mudiwa wako aendepi, nhai iwe nyakururamisisa pavakadzi vose, mudiwa wako atsaukira kupi? Kuti timutsvake pamwechete newe. |
|
| 2 |
|
| Mudiwa wangu aenda kubindu rake kumihomba yetwokubikisa tunonhuwirira. Kundofudzira hwai dzake mumapindu uye kundotanha maruva amariri. |
|
| 3 |
|
| Mudiwa wangu ndewangu ini ndiri wake anofudzira zvipfuwo zvake mumaruva amariri. |
|
| 4 |
|
| Mudiwa wangu wakarurama seguta reTiriza uye unoyevedza seJerusaremu, achityisawo sehondo ine mireza. |
|
| 5 |
|
| Bvisa maziso ako kwandiri, anondidzimaidza kuona, iro vhudzi rako, ungati idanga rembudzi dziri kuita murikitira pamateru eGireadhi. |
|
| 6 |
|
| Iwo mazino ako ungati idanga zvaro rehwai hadzi rabuda madzinoshambidzwa dzose dzine mapatya pasina kana yakasvodza. |
|
| 7 |
|
| Matama ako, ungati muchero wamapomegiraniti akachekwa napakati muvhoiri mako imomo. |
|
| 8 |
|
| Kungave zvako namakumi matanhatu emadzimambokadzi kana makumi masere avarongo uye vashandikadzi vasingaverengeki. |
|
| 9 |
|
| Asi njiva yangu, nyakururamisisa mumwechete mwana wapamwoyo waamai vake anodiwa zvikuru nomubereki wake. Vashandikadzi vakamuona vakamuti, “Zvako wakakomborerwa,” kunyange madzimambokadzi navarongo vakamuona vakamurumbidza. |
|
| 10 |
|
| Vakati, “Ndiani uyu akaita samambakwedza akarurama somwedzi, anopenya kunge zuva, anotyisa sehondo ine mireza.” |
|
| 11 |
|
| Ndaenda kumunda wenzungu kundoona maruva omubani, kundoona kuti migirepisi yatunga here uye kuti mipomegiraniti yava namaruva here. |
|
| 12 |
|
| Handina kutomboziva kuti musikana wangu akanga atondiita jinda pakati pavanhu. |
|
| 13 |
|
| Dzoka, dzoka iwe muShurami, dzoka dzoka tikuyeve. Munodirei kuyeva musikana wokuShurami achitamba pakati pomutsetse wavanotamba. |
|
|
|
|