|
| 1 |
|
| Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu, iwe mwanasikana womuchinda! Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo, basa ramaoko emhizha. |
|
| 2 |
|
| Guvhu rako rakatenderera somukombe unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka. Chiuno chako murwi wegorosi wakakomberedzwa namaruva. |
|
| 3 |
|
| Mazamu ako akaita setsvana mbiri, mapatya emhara. |
|
| 4 |
|
| Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou. Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni pasuo reBhati Rabhimi. Mhuno yako yakaita seshongwe yeRebhanoni yakatarisa kudivi reDhamasiko. |
|
| 5 |
|
| Musoro wako unokushongedza nekorona seGomo reKarimeri. Bvudzi rako rakaita sezvirukwa zvomumba mamambo; mwoyo wamambo wakabatwa nokugadzirwa kwebvudzi rako. |
|
| 6 |
|
| Wakanaka uye unofadza sei, iwe mudiwa nezvinofadza zvako! |
|
| 7 |
|
| Chimiro chako chakaita somuti womuchindwi; uye mazamu ako samasumbu omuchero. |
|
| 8 |
|
| Ndakati, “Ndichakwira muchindwi uyu, ndigobata muchero wawo.” Mazamu ako ngaaite samasumbu omuzambiringa, munhuwi wokufema kwako uite samaapuro, |
|
| 9 |
|
| muromo wako ugoita sewaini yakanakisisa. Waini ngaiendeswe kumudiwa wangu chaiko, igoyerera zvinyoronyoro, napamiromo yake nameno ake. |
|
| 10 |
|
| Ini ndiri womudiwa wangu, uye iye anondishuva. |
|
| 11 |
|
| Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda, tigozopedza usiku hwose kumamisha. |
|
| 12 |
|
| Ngatimukirei kuminda yemizambiringa tindoona kana mizambiringa yakabukira, uye kana maruva awo azaruka, uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva, ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu. |
|
| 13 |
|
| Miti yemidiwadiwa inopa kunhuwira kwayo, uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose, zvose zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu. |
|
|
|
|