Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Aiwa, dai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu, Akamwa mazamu amai vangu! Dai ndakuwana panze, ndingadai ndakutsvoda; Zvirokwazvo, hakuna aindishora. |
| 2 |
| Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu, Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba angu. |
| 3 |
| Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire. |
| 4 |
| Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada pacharwo. |
| 5 |
| Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje, Akasendamira pamudiwa wake? Pasi pomuaporo ndipo pandakakumutsa; Ndipo pakakutamburira mai vako, Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka. |
| 6 |
| Ndishonge sechisimbiso pamwoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomoto, Murazvo chaiwo waJehovha. |
| 7 |
| Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyangwe munhu akapa pfuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose. |
| 8 |
| Tine chinun'una, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinun'una chedu Nezuva raachakumbirwa? |
| 9 |
| Kana ari rusvingo, Tichavaka pamusoro pake kashongwe kesirivha; Kana ari mukova, Tichamukomberedza namapuranga emisidhari. |
| 10 |
| Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu akaita shongwe dzarwo; Panguva iyo ndakava pamberi pake somunhu akawana rugare. |
| 11 |
| Soromoni akanga ano munda wemizambiringa paBhaarihamoni; Akaisa munda uyo kuvatariri; Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo. |
| 12 |
| Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana, Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri. |
| 13 |
| Iwe, unogara muminda, Shamwari dzako dzinoteerera izwi rako; Nditendere ini ndirinzwewo. |
| 14 |
| Kurumidza, mudiwa wangu, Uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo ezvinonhuwira. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/songofsolomon/008.mp3
8
8