|
| 1 |
|
| Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko. |
|
| 2 |
|
| Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha. |
|
| 3 |
|
| Mufaro wake uchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi; |
|
| 4 |
|
| asi achatongera varombo nokururama, achatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; acharova nyika neshamhu yomuromo wake, achavauraya vakaipa nomweya wemiromo yake. |
|
| 5 |
|
| Kururama richava bhanhire rechiuno chake, kutendeka richava bhanhire rezvidzva zvake. |
|
| 6 |
|
| Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwechete; uye mwana muduku achadzitungamirira. |
|
| 7 |
|
| Mhou nebere zvichafura; vana vadzo vachavata pamwechete; shumba ichadya uswa senzombe. |
|
| 8 |
|
| Mwana anomwa, achatamba pamwena wenyoka, uye mwana akarumurwa achapinza ruoko rwake mubako remvumbi. |
|
| 9 |
|
| Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa. |
|
| 10 |
|
| Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri. |
|
| 11 |
|
| Zvino nezuva iro Ishe achatambanudzazve ruoko rwake kechipiri kuti adzikunure vakasara vavanhu vake, ivo vanenge vasara, vari paAsiria, nePatirosi, neKushi, neErami, neShinari, neHamati, nokuzvitsuwa zvegungwa. |
|
| 12 |
|
| Achasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa vaIsiraeri, nokuunganidza VaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika. |
|
| 13 |
|
| Ipapo godo ravaEfuremu richapera, navanomanikidza vaJudha vachaparadzwa; vaEfuremu havangagodori vaJudha, navaJudha havangamanikidzi vaEfuremu. |
|
| 14 |
|
| Asi vachabhururukira pamusoro pamafudzi avaFirisitia kumavirazuva, vachapambara pamwechete vana vamabvazuva; vachatambanudzira maoko avo kuvaEdhomu navaMoabhi, navana vaAmoni vachavateerera. |
|
| 15 |
|
| Jehovha achaparadza chose muromo wegungwa reIjipiti, achasimudzira ruoko rwake pamusoro poRwizi nemhepo yake inopisa, ndokururova ruite hova nomwe, ayambuse vanhu vakafuka shangu. |
|
| 16 |
|
| Vanhu vake vakasara, vakasara Asiria, vachava nenzira huru; sezvazvakaitirwa Isiraeri nezuva ravakabuda munyika yeIjipiti. |
|
|
|
|