Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Tumirai mutero wamakawana kumubati wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni. |
| 2 |
| Kufanana neshiri yadzungaira ichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni. |
| 3 |
| “Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri. |
| 4 |
| Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.” Mutambudzi achasvika kumagumo, uye kuparadza kuchapera; mudenhi achatsakatika panyika. |
| 5 |
| Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa; mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi, uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira, uye achikurumidza kuita zvakarurama. |
| 6 |
| Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu, namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake, kuzvikudza kwake nokuvirima kwake, asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo. |
| 7 |
| Naizvozvo vaMoabhu voungudza, vanoungudzira Moabhu pamwe chete. Chemai musuwe nokuda kwavarume veKiri Hareseti. |
| 8 |
| Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vamarudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yambosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa. |
| 9 |
| Saka ndinochema, sokuchema kweJezeri, nokuda kwemizambiringa yeSibhima. Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare, ndichakudiridza nemisodzi! Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyararidzwa. |
| 10 |
| Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho. |
| 11 |
| Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira, ura hwangu hunorira pamusoro peKiri Haraseti. |
| 12 |
| Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira, anenge achingozvinetsa pachake; paanoenda kuimba yake kunonyengetera, zvinenge zvisina chazvinobatsira, |
| 13 |
| Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu. |
| 14 |
| Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapukunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/isaiah/016.mp3
66
16