|
| 1 |
|
| Chirevo pamusoro peDhamasiko. Tarirai, Dhamasiko robviswa, rirege kuzova guta, richava dongo rakakoromoka. |
|
| 2 |
|
| Maguta eAroeri asiyiwa; achava mafuro ezvipfuwo, zvichavatapo pasi, zvisina anozvivhundusa. |
|
| 3 |
|
| Nhare ichabviswa panaEfuremu, noushe paDhamasiko; vakasara veSiria vachava sembiri yavana vaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 4 |
|
| Zvino nezuva iro ukuru hwaJakobho huchaitwa hutete, uye kukora kwenyama yake kuchaonda. |
|
| 5 |
|
| Zvichafanana nenguva kana mucheki achiunganidza zviyo mumunda, achicheka hura noruoko rwake; zvirokwazvo zvichafanana nokuunganidza hura pamupata weRefaimi. |
|
| 6 |
|
| Kunyange zvakadaro mimwe michero ichasariramo, sezvinoitika kana muorivhi uchizuzwa, zvibereko zviviri kana zvitatu kumuromo wedavi rokumusoro-soro, zvina kana zvishanu pamatavi okunze omuti unobereka kwazvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri. |
|
| 7 |
|
| Nezuva iro vanhu vachatarira Musiki wavo, meso avo achaona Mutsvene waIsiraeri. |
|
| 8 |
|
| Havangatariri aritari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa nemimwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva. |
|
| 9 |
|
| Nezuva iro maguta avo akasimba achaita samatongo kumatondo napamisoro yamakomo, akasiyiwa nokuda kwavana vaIsraeri; achava matongo. |
|
| 10 |
|
| Nokuti wakangamwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira dombo routiziro hwako. Saka unozvisimira miti inofadza, unoisamo mizambiringa yakabva kumwe. |
|
| 11 |
|
| Nomusi wokusima kwako, unouvakira ruzhowa, fume mangwana unotumbusa mbeu dzako; asi kukohwa kunotiza nezuva rokutambudzika nerokuchema kukuru. |
|
| 12 |
|
| Haiwa, kutinhira kwavanhu vazhinji, vanotinhira sokutinhira kwegungwa, nokuririma kwamarudzi avanhu anoririma sokuririma kwemvura zhinji! |
|
| 13 |
|
| Marudzi acharirima sokuririma kwemvura zhinji; asi uchavatuka, vachatizira kure, vachadzingirirwa sehundi yamakomo pamberi pemhepo, seguruva rinopfungaira pamberi pedutu remhepo. |
|
| 14 |
|
| Nenguva yamadekwana, tarirai, kuchava nokutyisa; mangwanani kusati kwaedza, havachipo. Ndiwo mugove wavanotipambara, nomubayiro wavanotibira. |
|
|
|
|