|
| 1 |
|
| Shoko rakanangana neIjipiti. Tarirai muone “Tenzi agere pagore riri kumhanya chaizvo achienda kuIjipiti, zvifananidzo zvokunamata zveIjipiti zvichadedera nokuvapo kwake, vaIjipiti vachadumbirwa nazvo. |
|
| 2 |
|
| Ndichaita kuti vaIjipiti vamukirane, vacharwisana pachavo, mumwe achirwisana nomumwe wake, maguta achirwisana pachawo, madzimambo achirwisanawo pachawo, |
|
| 3 |
|
| VaIjipiti vacharasiswa mwoyo, ndichavhiringidza mazano avo. Ivo ndopavachaenda kundobvunzira kuzvifananidzo zvokunamata, nokuna vano un'anga hwokufembera namaminimini vachindobvunzirawo kumidzimu nokun'anga. |
|
| 4 |
|
| Iniwo ndopandicharamwira vaIjipiti ivavo, mumaoko atenzi ano mwoyo wakaoma, vatongwe namambo anotyisa ndizvo zviri kutaurwa naTenzi Tenzi wehondo nehondo.” |
|
| 5 |
|
| Mvura yomuna Nairi ichapwiswa rwizi ruchanyatsoti papata kuoma. |
|
| 6 |
|
| Migero yayo ichava gutukutu kunhuwa, tukova tunodira muna Nairi yeIjipiti tuchaserera tugopwa, tsanga nenhokwe dzichaora. |
|
| 7 |
|
| Kuchaita madzvanga madzvanga muna Nairi kumahombekombe aNairi, zvose zvinodyarwa pedyo naNairi zvichaoma zvigopeperetswa pasare pasisina. |
|
| 8 |
|
| Varedzi vachaungudza vachichema, vose zvavo vanokanda chirauro muna Nairi vachanyatsoti gojoto, ivavo vanokanda usvasvi mumvura. |
|
| 9 |
|
| Vashandi vanokuruza rwodzi rweFurakisi, vachaora mwoyo pamwechete navanoruka machira nedonje jena. |
|
| 10 |
|
| Varuki vamachira vachadumbirwa nazvo vashandi varasa mwoyo. |
|
| 11 |
|
| Machinda okuguta reZoani, mazipenzi chaiwo evanhu, ngwazi dzomakurukota aFarao dzinopa mazano asina nomusoro wose. Ndicho chii chamunotaura kuna Farao muchiti, “Ini ndiri mwanakomana wengwazi, mwanakomana wamadzimambo echinyakare?” |
|
| 12 |
|
| Ko zvino ngwazi dzenyu dziripi? Ngadzichikutauriraika, dzifanokuzivisai zvarongwa kuitwa kuIjipiti naTenzi wehondo nehondo. |
|
| 13 |
|
| Machinda okuguta reZoani ava mapenzi avanhu uye machinda okuguta reMemufisi, azofuririkana; vakuru vakuru vomumadzinza eko vateteretsa Ijipiti. |
|
| 14 |
|
| Tenzi apinza mukati mayo mweya wenyonganyonga vakaita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvazvo zvainoita sokudzadzarika kunoita chidhakwa mumarutsi acho. |
|
| 15 |
|
| Hapana chichagona kuitwa muIjipiti nenhungamiri nevokumuswe vacho kana kuitwa nebazi romurara kunyange norutsanga zvarwo. |
|
| 16 |
|
| Pazuva iroro vaIjipiti vachaita savakadzi chaivo vodedera kutya simba roruoko rwaTenzi wehondo nehondo runenge rwozunzwa pamusoro pavo. |
|
| 17 |
|
| Nyika yokwaJudha ichava chazezesa kuvaIjipiti. Anongoinzwa chete ichidomwa achatya pamusana pedzavarongerwa naTenzi wehondo nehondo. |
|
| 18 |
|
| Musi iwoyo munyika yeIjipiti muchava namaguta mashanu anotaura rurimi rweKanani vachitopika naTenzi wehondo nehondo. Rimwe rawo richanzi, “Gutarezuva.” |
|
| 19 |
|
| Nomusi iwoyo kuchava neatari yaTenzi mukati menyika yeIjipiti nomusimboti waTenzi kumuganhu kwayo. |
|
| 20 |
|
| Zvichange zviri chiratidzo chinopupurira Tenzi wehondo nehondo munyika yeIjipiti pavanochema kuna Tenzi pamusana pevanodzvinyirira vamwe iye anozovatumira mununuri achavadzivirira achivaponesa. |
|
| 21 |
|
| Tenzi achazvizivisa kuvaIjipiti, vaIjipiti vachazivawo Tenzi pazuva iroro vagomupfugamira nokupira kwaari zvibayiro nomupiro wokupisa. Vachapika mhiko kuna Tenzi vachidzichengeta. |
|
| 22 |
|
| Tenzi acharova Ijipiti nedenda, airova kudaro, achazoiporesa, ivo vachazotendeukira kuna Tenzi, iye achazonzwa zvichemo zvavo agovarapa. |
|
| 23 |
|
| Nezuva iroro kuchava nomugwagwa mukuru unobva kuIjipiti uchienda kuAsiria. VaAsiria vachauya muIjipiti, vokuIjipiti vachiendawo kuAsiria uye vaIjipiti vachanamata pamwechete nevaAsiria. |
|
| 24 |
|
| Pamusi iwoyo Isiraeri ichava yechitatu kunyika yeIjipiti neAsiria dzichange dzava chikomborero chaicho pakati penyika, |
|
| 25 |
|
| Tenzi wehondo nehondo, dzaachakomborera achiti, “Makakomborerwa zvenyu imi vanhu vangu vaIjipiti, nemi vaAsiria vandakasika namaoko angu, nemi vaIsiraeri nhaka yangu.” |
|
|
|
|