|
| 1 |
|
| Shoko rakaonekwa naIsaya, mwa nakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusaremu. |
|
| 2 |
|
| Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. |
|
| 3 |
|
| Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, "Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake;" nokuti murayiro uchabva paZiyoni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu. |
|
| 4 |
|
| Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. |
|
| 5 |
|
| Iwe imba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha. |
|
| 6 |
|
| Nokuti imwi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho, nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa. |
|
| 7 |
|
| Nyika yavo izere nesirivha nendarama, fuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi. |
|
| 8 |
|
| Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvakaitwa namaoko avo, izvo zvakaitwa nemimwe yavo. |
|
| 9 |
|
| Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa; saka musavakangamwira. |
|
| 10 |
|
| Pinda mudombo uvande,muguruva, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake. |
|
| 11 |
|
| Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga achakudzwa nezuva iro. |
|
| 12 |
|
| Nokuti Jehovha wehondo ane zuva rake pamusoro pavose vanodada navanozvikudza, navana manyawi; vachaderedzwa; |
|
| 13 |
|
| napamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba yakakwirira; napamusoro pamiouki yose yeBhashani, |
|
| 14 |
|
| napamusoro pamakomo ose marefu, napamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira, |
|
| 15 |
|
| napamusoro peshongwe dzose refu, napamusoro pamasvingo ose akasimbiswa, |
|
| 16 |
|
| napamusoro pezvikepe zvose zveTarishishi, napamusoro pezvifananidzo zvose zvinofadza. |
|
| 17 |
|
| Ukuru hwavanhu huchakotamiswa, nokuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; Jehovha oga achakudzwa nezuva iro. |
|
| 18 |
|
| Zvifananidzo zvichapera chose. |
|
| 19 |
|
| Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba. |
|
| 20 |
|
| Nezuva iro vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhuta nezviremwaremwa; |
|
| 21 |
|
| vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba. |
|
| 22 |
|
| Regai munhu, anokufema mumhino dzake; nokuti anobatsireiko? |
|
|
|
|