|
| 1 |
|
| Chirevo pamusoro perenje regungwa. Zvinobva kurenje, kunyika inotyisa, sezvamupupuri zvinopfuura kurutivi rweZasi. |
|
| 2 |
|
| Ndaratidzwa chiratidzo chinochemedza; munyengeri anoita nokunyengera, nomuparadzi anoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia; ndagumisa kugomera kwavo kwose. |
|
| 3 |
|
| Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona. |
|
| 4 |
|
| Mwoyo wangu une dzungu, ndavhunduswa nezvinotyisa; rubvunzavaeni rwandaida rwasanduka chinhu chinondidederesa. |
|
| 5 |
|
| Vanogadzira tafura, vanoisa varindi, vanodya, vanonwa. Simukai, imi machinda, muzodze nhoo. |
|
| 6 |
|
| Nokuti hezvi zvandaudzwa naShe, “Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona; |
|
| 7 |
|
| zvino kana achiona boka, navatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri, neboka rembongoro, neboka rangamera, ngaateerere zvakanaka-naka.” |
|
| 8 |
|
| Iye akadanidzira seshumba, achiti, “Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu; |
|
| 9 |
|
| zvino tarirai, kwouya boka ravanhu, vatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri.” Akapindura, akati, “Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikirwa pasi.” |
|
| 10 |
|
| Haiwa, vanhu vangu vakapurwa, zviyo zveburiro rangu, zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ndizvo zvandakakuzivisai. |
|
| 11 |
|
| Chirevo pamusoro peDuma. Mumwe anondidana, ari paSeiri, achiti, “Nhai, murindi, inguva ipi yousiku?” |
|
| 12 |
|
| Murindi ndokuti, “Mambakwedza osvika, nousikuwo. Kana muchida kubvunza, bvunzai; dzokai, uyai.” |
|
| 13 |
|
| Chirevo pamusoro peArabhia. Musango reArabhia ndimo mamuchavata, imi mapoka avafambi veDhedhani. |
|
| 14 |
|
| Vigirai ane nyota mvura! Vagere panyika yeTema vakachingamidza vatizi nechingwa chavo. |
|
| 15 |
|
| Nokuti vakanga vachitiza minondo, minondo yakavhomorwa, nouta hwakakungwa, nokumanikidzwa kwokurwa. |
|
| 16 |
|
| Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, “Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera. |
|
| 17 |
|
| “Vakasara veboka ravanofura nouta, ivo vanhu vane simba vavana veKedhari, vachava vashoma; nokuti Jehovha, Mwari waIsiraeri, akazvitaura.” |
|
|
|
|