|
| 1 |
|
| Herino shoko rakanangana neBani Rechiratidzo. Ndochii chamaita ichochi chokukwira mudenga, mose zvenyu pamatenga pedzimba kudaro |
|
| 2 |
|
| iyewe uzere mheremhere guta rebongozozo guta ramafaro? Vako vakaurayiwa, havana kuita zvokuurayiwa nebakatwa kana kufira muhondo. |
|
| 3 |
|
| Vatongi vako vose zvavo vati ware kutiza pamwechete, asi vabatwa pasina kana kumboshandiswa uta. Vako vose vangowanikwa, vabatwa, kunyange vanga vatizira kure kure. |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo ini ndati, “Ndifuratirei zvenyu ndicheme zvangu misodzi yeropa. Regai kuzvinetsa nokundinyaradza pamusana pokuparara kwomukunda wevanhu vokwangu, Jerusaremu.” |
|
| 5 |
|
| Chiripo ndechokuti, Tenzi Mwari wehondo nehondo ane zuva rebongozozo nokutsokodzera nemanyongori mubani rechiratidzo, rokuwondomorera pasi rusvingo nokudaidzira kumakomo. |
|
| 6 |
|
| Eramu ndoyakapakata mukutu iine ngoro dzehondo nevarwi vemabhiza, uye vaKiri voisa nhoo pachena. |
|
| 7 |
|
| Mapani enyu akanakisisa achiti shutu nengoro dzehondo, varwi vemabhiza vamira panzvimbo dzavo pamusuo mukuru. |
|
| 8 |
|
| Abvisa changa chichidzivirira vokwaJudha. Nomusi iwoyo makandotarisa zvombo zvokurwisa nazvo zvokuImba yezvokuimbayesango |
|
| 9 |
|
| mukaona kuti zvikanganiso zveGuta raDhavhidhi zvakanga zvakawanda mukandoteka mvura yokudziva rezasi. |
|
| 10 |
|
| Mukaverenga dzimba dzomuJerusaremu mukapaza dzimba movakiridza rusvingo kurusimbisa. |
|
| 11 |
|
| Makagadzira zigaringiro rokuchengetera mvura pakati petsvingo mbiri rokubata yomudziva rekare riya. Asi hamuna kutarisa kwaari iye nyakuriita kana kumbokendenga zvenyu nezvaiye akaronga kareko kuti rizoitwa. |
|
| 12 |
|
| Pazuva iroro Tenzi Mwari wehondo nehondo akati vanhu vaungudze kuchema vaine miparavara vakapfeka hanzu dzamasaga. |
|
| 13 |
|
| Hoko kupembera nokusasana pachibayiwa mombe nehwai nokudyira-dyira nyama nokunwira-nwira waini vachiti, “Ngatidyei tinwe nokuti mangwana tinofa.” |
|
| 14 |
|
| Tenzi wehondo nehondo pachake akandizivisa ndikazvinzwa nenzeve dzangu idzi kuti, “Havambofa vakaregererwa uipi ihwohwu vanofa vakadaro,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi Mwari wehondo nehondo. |
|
| 15 |
|
| Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chiuya uende kuna Shebhuna mutariri wokumuzinda umubvunze kuti, |
|
| 16 |
|
| ‘Chii chauri kuita pano? Waunovimba naye ndiani chaizvo kutozvicherera zvako guva mudombo kudai, iwe unotozvicherera zvako guva mudombo pamusorosoro kudaro uchitozvivezera imba mudombo nhai?’ |
|
| 17 |
|
| Chinzwa, Tenzi achanyatsokuti hupukupu kukukanda kure, iyewe mukweshwa werume. Achanyatsokuti dzvi kukubata agokuvheyesa chamudzungururu |
|
| 18 |
|
| agokupotsera sebhora munyika yakapamhama. Ikoko ndokwauchafira, ikoko ndokuchava nengoro dzako dzehondo dzamandiriri, iyewe nyakufumura imba yatenzi wako. |
|
| 19 |
|
| Ndichakudzinga pabasa, ndigokubvisa pachigaro chako chaunacho. |
|
| 20 |
|
| Pazuva iroro ndichadaidza muranda wangu Eriyakimu mwanakomana waHirikiya |
|
| 21 |
|
| ndigomupfekedza gemenzi rako bhanhire rako ndirisunge paari ndigoisa ukuru hwako mumaoko ake, iye achizova baba wavagari vomuJerusaremu nevemba yokwaJudha. |
|
| 22 |
|
| Iye ndiye wandichatakudza pamafudzi basa rokuva nekiyi dzemba yaDhavhidhi. “Kana azarura, hapana anokwanisa kuzarira, Kana azarira hapana anogona kuzurura. |
|
| 23 |
|
| Ndichamuroverera sehoko panzvimbo yakanyatsosimba, achave noumambo hunopa mukurumbira kuimba yababa vake. |
|
| 24 |
|
| Vemba yababa vake vachamuti memete vakarembera vose paari vana navazukuru semidziyo midiki yose yomumba kubvira kumakapu kusvikira kuzvirongo zvose zvikuru. |
|
| 25 |
|
| Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, nomusi iwoyo hoko yakanga yarovererwa panzvimbo pakasimba ichazunguzika, ichatemwa igowa. Ipapo mutoro wakanga wakaiswa pairi uchaparadzwa, nokuti ndozvataurwa naTenzi.” |
|
|
|
|