1
Chirevo pamusoro pomupata wezvakaonekwa. Unonzweiko, zvawakwira navanhu vako vose pamatenga edzimba?
2
Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha uno mufaro; vakaurayiwa vako havana kuurayiwa nomunondo, havana kufira pakurwa.
3
Vabati vako vose vakatiza pamwechete, vakasungwa vasina uta; vose vako, vakawanikwa, vakasungwa pamwechete; vakatizira kure.
4
Naizvozvo ndakati, “Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.”
5
Nokuti izuva rokuvhundusa, nerokutsikira pasi, nerokukanganisa, zvinobva kuna She, Jehovha wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamasvingo, nerokudanidzira kumakomo.
6
Erami akabata goba, pamwechete namapoka avanhu navatasvi vamabhiza; Kiri akafudugura nhoo.
7
Ipapo mipata yenyu yakaisvonaka yakazara nengoro, navatasvi vamabhiza vakazvigadzirira kurwa pasuwo.
8
Vakabvisa chifukidziro chaJudha; nezuva iro mukatarira nhumbi dzokurwa mumba yomudondo.
9
Mukaona pakakoromoka paguta raDhavhidhi, kuti pakanga pari pazhinji; mukachingidzira mvura yedziva rezasi;
10
mukaverenga dzimba dzeJerusaremu, mukakoromora dzimba kuti musimbise rusvingo;
11
mukaitawo gungwa pakati pamasvingo maviri rokuchingidzira mvura yedziva rakare. Asi hamuna kutarira iye akazviita, makanga musina hanya naiye akazvifunga kare.
12
Zvino nezuva iro Ishe, Jehovha wehondo, akakudanirai kumisodzi, nokukuchema, nokukuveurwa mhanza, nokukufuka makudza;
13
asi tarirai, makava nomufaro nokupembera, nokubayiwa kwemombe, nokushizhwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muchiti, “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.”
14
Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, “Zvirokwazvo, hamungakanganwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
15
Zvanzi naShe, Jehovha wehondo, “Enda kumuchengeti uyu wepfuma, kuna Shebhina, unotarira imba yamambo, uti,
16
‘Unobateiko pano? Unaniko pano, zvawazvivezera hwiro pano? Somunhu anozvivezera hwiro pakakwirira, anozvicherera ugaro hwake padombo!’
17
Tarira, Jehovha, achakurasira kure nesimba somurume; zvirokwazvo, achakupeta–peta.
18
“Zvirokwazvo achakupomba–pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.
19
Ndichakudzinga pabasa rako, iye uchakukwevera pasi ubve panzvimbo yako.
20
“Zvino nezuva iro ndichadana muranda wangu Eriakimi, mwanakomana waHirikia;
21
ndichamufukidza nguo yako, nokumusimbisa nebhandi rako, ndigoisa ushe hwako muruoko rwake; iye achava baba kuna vagere Jerusaremu, nokuimba yaJudha.
22
Ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi rake; iye achazarura, hapana angazarira, iye achazarira, hapana angazarura.
23
Ndichamurovera pakasimba sembambo; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake.
24
“Vachaturika paari kukudzwa kwose kwemba yababa vake, matavi namabukira, nemidziyo yose miduku, kubvira pamikombe kusvikira pamakate.
25
Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha akataura izvozvo.”
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002