Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Chirevo pamusoro peTire: Ungudzai imi zvikepe zveTashishi! Nokuti Tire raparadzwa uye rasiyiwa risina imba kana pangamira zvikepe. Shoko rakasvika kwavari richibva kunyika yeSaipurasi. |
| 2 |
| Nyararai, imi vanhu vagere pachiwi nemi vatengesi veSidhoni, imi makapfumiswa navashambadzi vomunyanza. |
| 3 |
| Pamusoro pemvura zhinji zviyo zveShihori zvakayambutswa; mukoho weNairi ndiwo waiva pfuma yeTire, uye ikazova nzvimbo yokutengesera yamarudzi. |
| 4 |
| Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa, nokuti gungwa rataura richiti, “Handina kumborwadziwa kana kubereka; handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.” |
| 5 |
| Panosvika shoko kuIjipiti, vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire. |
| 6 |
| Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi. |
| 7 |
| Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here, guta rakare kare, rakaendeswa kure kure netsoka dzaro kundogara kunyika iri kure? |
| 8 |
| Ndianiko akarongera Tire izvozvi, iro raipa korona, vatengesi varo vari machinda, vashambadziri varo vanokudzwa munyika? |
| 9 |
| Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo, kuti adzikise kuzvikudza nembiri yose, uye kuti aninipise vose vanokudzwa panyika. |
| 10 |
| Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi, iwe mwanasikana weTashishi, nokuti hauchina panomira zvikepe. |
| 11 |
| Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye akaita kuti ushe hwaro hudedere. Iye akapa murayiro pamusoro peKenani, kuti nhare dzayo dziparadzwe. |
| 12 |
| Iye akati, “Mafaro ako haachazovapozve, iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa! Simuka uyambukire kuSaipurasi; Kunyange naikoko haundowani zororo.” |
| 13 |
| Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo. |
| 14 |
| Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi; nhare yenyu yaparadzwa! |
| 15 |
| Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti: |
| 16 |
| “Tora rudimbwa, ufambe nomuguta, iwe chifeve chakakanganikwa; ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji, kuitira kuti ugorangarirwa.” |
| 17 |
| Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzoerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika. |
| 18 |
| Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/isaiah/023.mp3
66
23