|
| 1 |
|
| Tarirai, Jehovha ari kuzoparadza nyika achiiparadza zvachose; achanyangadza kutarisika kwayo uye achaparadzira vanogaramo, |
|
| 2 |
|
| zvichangofanana, zvinoitirwa muprista nezvinoitirwa vanhu, zvinoitirwa vatenzi nezvinoitirwa muranda, zvinoitirwa vahosi nezvinoitirwa mushandiri, zvinoitirwa mutengesi nezvinoitirwa mutengi, zvinoitirwa anokwereta nezvinoitirwa akweretwa, zvinoitirwa anoripa mhindu nezvinoitirwa anoreva mhindu. |
|
| 3 |
|
| Nyika ichaparadzwa zvachose uye ichatorerwa zvayo zvose. Jehovha ataura shoko irori. |
|
| 4 |
|
| Nyika iri kuoma uye iri kuunyana, pasi pose panorwadziwa uye panounyana, vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa. |
|
| 5 |
|
| Nyika inosvibiswa navanhu vayo; havana kuteerera mirayiro, vakapandukira mitemo uye vakaputsa sungano isingaperi. |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo kutuka kunoparadza nyika, vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo. Naizvozvo vagari vomunyika vopiswa, uye vashoma ndivo vasara. |
|
| 7 |
|
| Waini itsva yapwa uye muzambiringa wauna; vose vanoda mafaro vogomera. |
|
| 8 |
|
| Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa, kupembera kwavapururudzi kwapera, rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa. |
|
| 9 |
|
| Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo. |
|
| 10 |
|
| Guta rakoromorwa rava dongo; mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa. |
|
| 11 |
|
| Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika. |
|
| 12 |
|
| Guta rasara rava dongo, masuo aro aputswa-putswa. |
|
| 13 |
|
| Ndizvo zvazvichaita munyika napakati pendudzi, zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi, kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa. |
|
| 14 |
|
| Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro; kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha. |
|
| 15 |
|
| Naizvozvo kumabvazuva mberi kuna Jehovha; kudzai zita raJehovha Mwari waIsraeri, pazviwi zvegungwa. |
|
| 16 |
|
| Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti: “Ngaakudzwe iye Akarurama.” Asi ini ndakati, “Ndarukutika, ndarukutika! Ndine nhamo! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!” |
|
| 17 |
|
| Kutya negomba zvakakumirirai, imi vanhu vapanyika. |
|
| 18 |
|
| Ani naani anotiza kutinhira kunotyisa, achawira mugomba; ani naani anokwira achibuda mugomba achabatwa mumusungo. Nokuti mawindo okudenga azaruka, uye nheyo dzapanyika dzozungunuka. |
|
| 19 |
|
| Nyika yaputswa-putswa, nyika yakamurwa napakati, nyika yozungunuswa chose. |
|
| 20 |
|
| Nyika yodzedzereka sechidhakwa, inozengaira semba iri mumhepo; kudarika nokumukira kwayo kwairemera kwazvo, zvokuti inowa, ikasazomukazve. |
|
| 21 |
|
| Pazuva iro Jehovha acharanga masimba omuchadenga kumusoro, uye namadzimambo ari pamusoro penyika pasi. |
|
| 22 |
|
| Vachaunganidzwa pamwe chete kufanana navasungwa vakasungwa mugomba; vachapfigirwa mutorongo vagozorangwa kwamazuva mazhinji. |
|
| 23 |
|
| Mwedzi uchanyadziswa, zuva richanyara; nokuti Jehovha Wamasimba Ose achatonga pamusoro peGomo reZioni nomuJerusarema, napamberi pavakuru varo, nokubwinya kukuru. |
|
|
|
|