Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Pazuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa munyika yaJudha: Tine guta rakasimba; Mwari anoita kuti ruponeso ruve masvingo nenhare dzaro. |
| 2 |
| Zarurai masuo kuti rudzi rwakarurama rupinde, rudzi runochengeta kutenda. |
| 3 |
| Muchachengeta murugare rukuru munhu ano mwoyo wakasimba, nokuti anovimba nemi. |
| 4 |
| Vimba naJehovha nokusingaperi, nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi. |
| 5 |
| Anoderedza avo vagere pakakwirira, anodzikisa pasi guta rapamusoro; anorideredza kusvikira pavhu uye anorikanda muguruva. |
| 6 |
| Tsoka dzicharitsikirira pasi, tsoka dzavakamanikidzwa, idzo tsoka dzavarombo. |
| 7 |
| Nzira yavakarurama yakati chechetere; imi Akarurama, munoita kuti nzira yavakarurama iti chechetere. |
| 8 |
| Hongu, Jehovha tichifamba munzira yomurayiro wenyu, tinokumirirai; zita renyu nembiri yenyu ndizvo chishuwo chemwoyo yedu. |
| 9 |
| Mwoyo wangu unokushuvai pausiku; mangwanani, mweya wangu unokupangai. Kutonga kwenyu pakunouya panyika, vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama. |
| 10 |
| Kunyange nyasha dzichiratidzwa kuna vakaipa, ivo havadzidzi kururama; kunyange munyika yokururama, vanongoramba vachiita zvakaipa, uye havana hanya noukuru hwaJehovha. |
| 11 |
| Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzirwa kumusoro, asi havaruoni. Ngavaone kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu venyu vagonyadziswa; moto wakachengeterwa vavengi venyu ngauvaparadze. |
| 12 |
| Jehovha, imi munotigadzirira rugare; zvose zvatakakwanisa ndimi makatiitira. |
| 13 |
| Haiwa Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akatitonga, asi zita renyu ndiro ratinokudza chete. |
| 14 |
| Ivo vakafa zvino, havachararamizve; mweya yavakafa haimuki. Makavaranga mukavaparadza; makabvisa chirangaridzo chavo. |
| 15 |
| Makakurisa rudzi, imi Jehovha; makakurisa rudzi. Makazviwanira mukurumbira; mukakurisa miganhu yose yenyika. |
| 16 |
| Jehovha, vakauya kwamuri mumatambudziko avo; pamakavarova, havana kugona kuzevezera munyengetero. |
| 17 |
| Sezvinoita mukadzi ane mimba oda kusununguka, anomonyoroka mukurwadziwa kwake, agokuchema kwazvo, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, imi Jehovha. |
| 18 |
| Takanga tine mimba, tichimonyoroka mukurwadziwa, asi takabereka mhepo. Hatina kuvigira nyika ruponeso; hatina chatakaberekera vanhu venyika. |
| 19 |
| Asi vakafa venyu vachararama; miviri yavo ichamuka. Imi mugere muguruva, mukai mupembere. Dova renyu rakaita sedova ramangwanani; nyika ichabudisa vakafa vayo. |
| 20 |
| Chiendai, vanhu vangu, pindai mumakamuri enyu, mugopfiga mikova shure kwenyu; muvande kwechinguva kusvikira kutsamwa kwake kwapfuura. |
| 21 |
| Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake, kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo. Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo; haichazovanzizve vakaurayiwa vayo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/isaiah/026.mp3
66
26