|
| 1 |
|
| Nezuva iro Jehovha acharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, revhiatani, iyo nyoka inokurumidza, iyo, nyoka yakagonyana; achauraya chikara chiri mugungwa. |
|
| 2 |
|
| Nezuva iro vachaimba vachiti, "Munda wemizambiringa, chiuimbirai! |
|
| 3 |
|
| Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadzirwa nomunhu. |
|
| 4 |
|
| Ini handina hasha; dai rukato nemhinzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwechete. |
|
| 5 |
|
| Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni." |
|
| 6 |
|
| Namazuva anouya Jakobho achamera midzi; Isiraeri achatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko. |
|
| 7 |
|
| Ko akavarova iye sezvaakarova avo vakavarova here? Ko vakaurawa nokuurawa kwaivo vakaurawa navo here? |
|
| 8 |
|
| Pakuvadzinga kwenyu makarwa navo nechiyero chakafanira; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yokumabvazuva. |
|
| 9 |
|
| Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikunurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa. |
|
| 10 |
|
| Nokuti guta, rakakombwa norusvingo, rasiyiwa riri roga, hwava hugaro hwasiyiwa riri dongo, serenje; ndipo pachava namafuro emhuru, ndipo paichavata pasi, ichidya mashizha apo. |
|
| 11 |
|
| Kana matavi apo aoma, achavhumwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nokuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo. |
|
| 12 |
|
| Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweIjipiti; imwi muchaunganidzwa, muchiita mumwe-mumwe, imwi vana vaIsiraeti. |
|
| 13 |
|
| Zvino nezuva iro hwamanda huru icharidzwa; vakanga voparara panyika yeAsiria, navakanga vadzingirwa kunyika yeIjipiti, vachauya; vachanamata Jehovha pagomo dzvene paJerusaremu. |
|
|
|
|