Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Nezuva iro Jehovha acharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, reviatani, iyo nyoka inokurumidza, iyo, nyoka yakagonyana; achauraya chikara chiri mugungwa. |
| 2 |
| Nezuva iro vachaimba vachiti, “Munda wemizambiringa, chiumbira! |
| 3 |
| Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadziwa nomunhu. |
| 4 |
| Ini handina hasha; dai rukato neminzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwechete. |
| 5 |
| Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni.” |
| 6 |
| Namazuva anouya Jakobho achamera midzi; Isiraeri achatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko. |
| 7 |
| Ko akavarova iye sezvaakarova avo vakavarova here? Ko vakaurayiwa nokuurayiwa kwaivo vakaurayiwa navo here? |
| 8 |
| Pakuvadzinga kwenyu makarwa navo nechiyero chakafanira; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yokumabvazuva. |
| 9 |
| Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikinurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose eatari ave samabwe omunyaka akaputswa–putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa. |
| 10 |
| Nokuti guta, rakakombwa norusvingo, rasiyiwa riri roga, hwava hugaro hwasiyiwa riri dongo, serenje; ndipo pachava namafuro emhuru, ndipo paichavata pasi, ichidya mashizha apo. |
| 11 |
| Kana matavi apo aoma, achavhunwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nokuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo. |
| 12 |
| Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweIjipiti; imi muchaunganidzwa, muchiita mumwe–mumwe, imi vana VaIsiraeri. |
| 13 |
| Zvino nezuva iro hwamanda huru icharidzwa; vakanga voparara panyika yeAsiria, navakanga vadzingirwa kunyika yeIjipiti, vachauya; vachanamata Jehovha pagomo dzvene paJerusaremu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/isaiah/027.mp3
66
27