|
| 1 |
|
| Korona, inozvikudza, yavakabatwa vokwaEfuremu, ine nhamo, uye ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera wavakakundwa newaini. |
|
| 2 |
|
| Tarirai, Ishe ano mumwe ane simba anokurira; achawisira pasi noruoko rwake sedutu guru rine chimvuramabwe, sedutu rinoparadza, sokunaya kwemvura zhinji inokukura kwose. |
|
| 3 |
|
| Korona inozvikudza yavakabatwa vokwaEfuremu ichatsikwa pasi netsoka; |
|
| 4 |
|
| ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera richava sewonde rinotanga kuibva zhizha richigere kusvika; rinoti richatarirwa noariona, ndokuridya richiri muruoko rwake. |
|
| 5 |
|
| Nezuva iro Jehovha wehondo achava korona inobwinya noukomba hwakaisvonaka kuna vakasara vavanhu vake; |
|
| 6 |
|
| nomweya wokururamisa kune agere pakutonga, nesimba kuna vanodzosera vanorwa pasuwo. |
|
| 7 |
|
| Asi naivo vanodzungunyika newaini, vanodzedzereka nezvinodhaka; mupristi nomuporofita vanodzungunyika nezvinodhaka, vakamwedzwa newaini, vanodzedzereka nezvinodhaka; vanokanganiswa pakuona, vanogumburwa pakutonga. |
|
| 8 |
|
| Nokuti matafura avo azere namarutsi anosemesa, hapana pakanaka. |
|
| 9 |
|
| “Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waachadzidzisa kunzwisisa shoko? Ivo vakarumurwa pamukaka, vakabviswa pazamu here? |
|
| 10 |
|
| Nokuti zvinongoti chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murairo pamusoro pomurairo, murairo pamusoro pomurairo, apa zvishoma, napapo zvishoma.” |
|
| 11 |
|
| Zvirokwazvo achataura norudzi urwu navanhu vane miromo yorumwe rudzi, norurimi rwokumwe; |
|
| 12 |
|
| akati kwavari, “Zororo riri pano, zorodzai vakaneta; pano ndipo panokutonhorera;” asi vakaramba kuteerera. |
|
| 13 |
|
| Saka shoko raJehovha richava kwavari, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murairo pamusoro pomurairo, murairo pamusoro pomurairo, apa zvishoma, napapo zvishoma; kuti vaende, vawe nenhenda shure, vavhunike, vabatwe nomusungo, vatapwe. |
|
| 14 |
|
| Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vadadi, vanobata noushe vanhu ava vari paJerusaremu, |
|
| 15 |
|
| Imi zvamakati, “Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, takandovanda pasi pokunyengetera;” |
|
| 16 |
|
| naizvozvo Ishe Jehovha anoti, “Tarirai, ndinoisa paZioni ibwe rive nheyo, riri ibwe rakaedzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba; anotenda haakurumidzi. |
|
| 17 |
|
| Ruenzaniso ndicharwuita setambo yokuyeresa nayo, kururama kuri setambo yokuvakisa; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenhema, mvura ichafukidza nzvimbo yokuvanda.” |
|
| 18 |
|
| Sungano yenyu yamakaita norufu ichadzimwa, nokutenderana kwenyu neSheori hakungamiri; kana shamhu, inokukura, ichipfuura, muchatsikwa pasi nayo. |
|
| 19 |
|
| Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, ichakutorai; nokuti masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura; kuchanotyisa bedzi kunzwisisa mharidzo yakadaro. |
|
| 20 |
|
| Nokuti mubhedha uchava mupfupi, munhu haangagoni kutandavara pamusoro pawo, nejira richava duku, munhu haangagoni kuzvifukidza naro. |
|
| 21 |
|
| Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita pamupata weGibheoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa. |
|
| 22 |
|
| Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa. |
|
| 23 |
|
| Rerekai nzeve dzenyu, munzwe izwi rangu; teererai, munzwe kutaura kwangu. |
|
| 24 |
|
| Ko murimi, anoda kudyara, unoswera achirima here? Anoswera achiparura munda nokuputsa mavhinga here? |
|
| 25 |
|
| Kana achinge aenzanisa ivhu rawo, haakushi kumini nhema here, nokudyara kumini, nokuisa zviyo mumisara, nebhari pandima dzakatarwa, nesipereti kunhivi dzawo here? |
|
| 26 |
|
| Nokuti Mwari wake anomuzivisa zvakanaka nokumudzidzisa. |
|
| 27 |
|
| Nokuti kumini nhema haipurwi nomupuro unopinza, negumbo rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; asi kumini nhema inopurwa netsvimbo, nekumini neshamhu. |
|
| 28 |
|
| Zviyo zvechingwa zvinokuyiwa, haangarambi achizvipura; kunyangwe gumbo rengoro yake namabhiza ake zvichizviparadzira, haangazvikuyi. |
|
| 29 |
|
| Naizvozvi zvinobva kuna Jehovha wehondo, anoshamisa nezvaanofunga, mukuru kwazvo pakubata kwake. |
|
|
|
|