|
| 1 |
|
| Ndinodaro nokuti Tenzi Tenzi wehondo nehondo ava kubvisa muJerusaremu nemaJudha zvose zvinovararamisa nezvinovatsigira zvinoti: chokudya chose chinovararamisa, nechokunwa chose chinovararamisa, |
|
| 2 |
|
| negamba rose zvaro nomurwi wehondo wose nomutongi wose nomuporofita wose zvake nomushoperi wose zvake nomunhu wose wechikuru |
|
| 3 |
|
| uye nomutungamiriri wose wechikwata chamakumi mashanu avarwi nomubati wose wechigaro uyewo gurukota rose zvaro negodobori rose roun'anga nenyanzvi yose yezvamazango. |
|
| 4 |
|
| Ndichaita kuti vakomana zvavo vave ndiwo madzishe avo vatongwe nepwere. |
|
| 5 |
|
| Vanhu vachabatisana pfumvu chaiyo, munhu woga woga achidaro kuna mumwe wake munhu wose achidaro kune waakagarisana naye wechidiki oitira vakuru misikanzwa, dzenga romunhu richidaro kune anoremekedzwa. |
|
| 6 |
|
| Kana munhu akatora mukoma kana munun'una womumba achiti, “Iwe unotova nechokupfeka zvako ndiwe ungatova mutungamiriri wedu uye murwi wamatongo uyu utongwe newe zvako.” |
|
| 7 |
|
| Pazuva iroro iye achadura pachena kuti, “Handingave ini wokukuponesai, mumba mangu hamuna chokudya kana nechokufuka Hamungandiite mutungamiriri wavanhu,” |
|
| 8 |
|
| nokuti Jerusaremu yawondomoka, Judha yakoromoka nokuti zvavanotaura nezvavanoita zvinopesana naTenzi, zvinozvidza kuvapo kwake kuno mukurumbira. |
|
| 9 |
|
| Iho uso hwavo hunopupurira kuita kwavo kwakaipa. Vanoparidzira chitadzo chavo savanhu veSodhomu, havachivanziridze. Zvichavawana zvavo nokuti nhamo yavo ndeyokuzviparira. |
|
| 10 |
|
| Taurirai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachadya mubayiro wezvavakaita. |
|
| 11 |
|
| Zvichamuwana wakaipa, zvichamuipira, nokuti zvaakabata namaoko ake ndozvaachaitirwawo. |
|
| 12 |
|
| Vanhu vangu, vari kuoneswa ndondo nepwere vachitongwa navakadzi vanhu vangu, vatungamiriri venyu vari kukuendesai mutome vachivhiringidza makwara enyu amunofanira kutevera. |
|
| 13 |
|
| Tenzi ava panzvimbo yake yapadare anosimuka kuti achitonga marudzi. |
|
| 14 |
|
| Tenzi ava kupinza dare vakuru vakuru pamwechete namakurukota avanhu vake, achivapa mhosva yokuti, “Ndimi makarozva munda wamagirepisi, mudzimba dzenyu mune zvinhu zvamakapamba imi kuvarombo. |
|
| 15 |
|
| Simba rokutsika-tsika vanhu vangu kudai munoriwana kupi, muchidzungaidza nokupazamisa varombo?” Ndizvo zviri kurehwa naTenzi, Tenzi wehondo nehondo. |
|
| 16 |
|
| Tenzi ari kuti, “Pamusana pokuti vanasikana veZioni vanozvikudza vachifamba vakarebesa kwazvo mutsipa vachidingaringa kwazvo nemesomeso vachifamba vachigogodeka, mumakumbo umu, ndarira dzichingwengwereka. |
|
| 17 |
|
| Tenzi acharova neshamhu yezvisasa musoro wavanasikana veguta reZioni, Tenzi achavaita baravara mumusoro.” |
|
| 18 |
|
| Musi iwoyo Tenzi achavabvutira ndarira dzakanaka mumakumbo netsungare mumusoro nenyembe dzinenge mwedzi |
|
| 19 |
|
| nemhete munzeve namakoza omumaoko namadhuku |
|
| 20 |
|
| nenguwani namakoza namabhandhi nezvinu zvamafuta okuzora anonhuwirira namazango |
|
| 21 |
|
| neringi dzomumaoko dzokudhindisa nadzo nemhete dzapamhuno |
|
| 22 |
|
| nehanzu dzomutambo namajasi namachari namabhegi okubatira mumaoko |
|
| 23 |
|
| namachira akangwerevera nembatya dzerineni nenguwani nemimbure yokufukidza uso. |
|
| 24 |
|
| Panze pokuva namafuta okuzora anonhuwirira, pachave nezvinoita gutukutu rokunhuwa; panze pokuva nebhandhi pachave netambo zvayo; panzvimbo pokuva nevhudzi rakanyatsorukwa, pachava nemhanza; panzvimbo pokupfeka gemenzi rinokosha pachapfekwa mbikiza dzamasaga; panzvimbo penyora dzorunako pachava nenyora dzakanyeka. |
|
| 25 |
|
| Varume venyu vachaurayiwa nebakatwa, magamba enyu achifira kuhondo. |
|
| 26 |
|
| Dare rokumisuo mikuru kweZioni richahwihwidza kuchema rachiti pasi pwashasha kugara somukadzi asiyiwa achiti dano asina chaakapfeka. |
|
|
|
|