|
| 1 |
|
| Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura; |
|
| 2 |
|
| munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuporofita, nomuvuki, nomukuru; |
|
| 3 |
|
| mukuru wamakumi mashanu, noanokudzwa, chipangamazano, nemhizha yakachenjera, nomuvuki anoziva. |
|
| 4 |
|
| Ndichavapa vanana ave machinda avo, vachabatwa navacheche. |
|
| 5 |
|
| Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kuno anokudzwa. |
|
| 6 |
|
| Musi uyo munhu achabata munun'una wake mumba mababa vake, achiti, “Iwe une nguo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.” |
|
| 7 |
|
| Zvino nezuva iro achadanidzira, achiti, “Handidi kuva chiremba, nokuti mumba mangu hamuna zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu.” |
|
| 8 |
|
| Nokuti Jerusaremu raparadzwa, Judha awa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya. |
|
| 9 |
|
| Zvinoonekwa paziso ravo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nokuti vakazviitira zvakaipa. |
|
| 10 |
|
| Iti pamusoro powakarurama, kuti achava nomufaro; nokuti vachadya zvibereko zvamabasa avo. |
|
| 11 |
|
| Wakaipa ane nhamo! Iye haangavi nomufaro, nokuti achapiwa mubairo wamaoko ake. |
|
| 12 |
|
| Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo. |
|
| 13 |
|
| Jehovha asimuka kutamba mhaka; amire kuti atonge vanhu. |
|
| 14 |
|
| Jehovha achatonga vakuru vavanhu vake namachinda avo, achiti, “Ndimi mapedza munda wemizambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu.” |
|
| 15 |
|
| Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo? Ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo. |
|
| 16 |
|
| Uyezve Jehovha akati, “Vakunda veZioni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita meso–meso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere, |
|
| 17 |
|
| naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzemisoro yavakunda vaZioni negwenyu–kwenyu, Jehovha achafukura miviri yavo.” |
|
| 18 |
|
| Nezuva iro Ishe achabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi; |
|
| 19 |
|
| nezvinoremberedzwa, noungetani hwamaoko, nezvifukidzo; |
|
| 20 |
|
| nezvishongo zvomusoro, noungetani hwamakumbo, nezvisungo, nezvitende zvezvinonhuwira, namazango; |
|
| 21 |
|
| nezvimhete, noukomba hwemhino; |
|
| 22 |
|
| nenguo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama; |
|
| 23 |
|
| nezviwoni–woni zvamaoko, nomucheka wakaisvonaka, nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso. |
|
| 24 |
|
| Zvino zvichaitika kuti panzvimbo yezvinonhuwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yevhudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kwouranda panzvimbo yokunaka. |
|
| 25 |
|
| Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa. |
|
| 26 |
|
| Masuwo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi. |
|
|
|
|