Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Vane nhamo vanoburukira Ijipiti kundotsvaka kubatsirwa, vanotenda mabhiza, vanovimba nengoro dzokurwa nokuti izhinji, uye navatasvi vamabhiza nokuti vane simba kwazvo, asi havatariri kuno Mutsvene waIsiraeri, kana kutsvaka Jehovha. |
| 2 |
| Kunyange zvakadaro naiye akachenjera, achauyisa nhamo, haangadzosi mashoko ake, asi achamukira imba yavanoita zvakaipa, navanobatsirana navanoita zvakaipa. |
| 3 |
| Zvino vaIjipiti vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa nowanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete. |
| 4 |
| Nokuti zvanzi naJehovha kwandiri, "Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namanzwi avo. haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZiyoni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo. |
| 5 |
| Seshiri dzinodzengerera, saizvozvo Jehovha achatavirira Jerusaremu; acharitavirira nokurirwira, acharidarika nokurisunungura." |
| 6 |
| Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imwi vana vaIsiraeri. |
| 7 |
| Nokuti nezuva iro mumwe nomumwe ucharasha zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvendarama, zvamakazviitira namaoko enyu, zvikava zvivi kwamuri. |
| 8 |
| Ipapo muAsiria achawa nomunondo usati uri womunhu; munondo usati uri wavanhu uchamudya; achatiza pamberi pomunondo, namajaya ake achabatirwa chibharo. |
| 9 |
| "Dombo rake richatiza nokutya, machinda ake achavhunduswa nomureza," ndizvo zvinotaura Jehovha, anomoto wake paZiyoni, nechoto chake paJerusaremu. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/isaiah/031.mp3
66
31