×

Bhaibhiri Idzva 2008

Isaya 31

1
Vane nhamo vanhu vanodzika kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro vachivimba namabhiza, vanovimba nengoro dzehondo pamusana pokuwanda kwadzo, vanovimba navarwi vamabhiza pamusana pokuti vakasimba kwazvo asi vasingatarisi kuna iye Anoera weIsiraeri kana kubvunza Tenzi.
2
Asi ariye ane ungwaru, ariiye anounza nhamo anoti raareva ndiroro asingasanduke. Achamukira imba yevaiti vezvakaipa achirwisa vabatsiri vevanoita zvakaipa.
3
VaIjipiti vanhu, havasi Mwari uye mabhiza avo ndinyama, haasiri mweya. Tenzi akatambanudza ruoko rwake mubatsiri iye achatatarika iye anobatsirwawo wacho achaputsika vagoparara pamwechete;
4
nokuti Tenzi akanditi, “Sezvinoita shumba kana kuti shumba ichiri kuzvinzwa inohon'era mhuka yayabata kana vafudzi vakokerwa kurwisa haityisidzirwe nokuzhamba kwavo kana kuvhundutswa noruzha rwavo. Ndizvozvowo zvichaitwa naTenzi wehondo nehondo, achaburukira paGomo reZioni kuzorwisa pachikomo charo.
5
Sezvinoita shiri kudzengerera mudenga, ndizvowo zvichaita Tenzi wehondo nehondo achidzivirira Jerusaremu, acharidzivirira achirinunura achirichengetedza achiriponesa.”
6
“Imi vanhu veIsiraeri pindukirai kuna iye wamakapandukira zvisingatauriki
7
nokuti nezuva iroro munhu wose acharasa zvifananidzo zvake zvokunamata zvesirivha nezvifananidzo zvenyu zvokunamata zvendarama zvamakatadzira Mwari nazvo muchizviumbira imi namaoko enyu.
8
“VaAsiria vachaparadzwa nebakatwa asi risiri bakatwa romunhu richavaparadza, vachatiza bakatwa majaya avo agoiswa kubasa rechibharo.
9
Iye dombo ravo achapfuura achitya vakuru vakuru vavo vomuhondo vachapomoka mureza nokutya,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi ane moto uri muZioni ane vira romoto muJerusaremu.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa