|
| 1 |
|
| Chinzwai, kana mambo ava kutonga noururami makurukota ava kutonga noruenzaniso, |
|
| 2 |
|
| mumwe nomumwe wavo anenge ave senzvimbo yokuvanda mhepo senzvimbo yokuhwanda dutu setukova twemvura munzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo mukuru munyika yakaoma. |
|
| 3 |
|
| Maziso avanofanira kuti vatarise zvinhu haazotsinzinya nenzeve dzavanofanira kunzwa dzichateerera. |
|
| 4 |
|
| Vane pfungwa yokuti zvose ndezvechimbichimbi vachava nourongwa hwakanaka, vanokakama vachataura vasingazezi, uye zvinonzwika. |
|
| 5 |
|
| Rema romunhu harizonzi munhu anofanira kuremekedzwa kana kuti kanyimiramundiro onzi mupanegombe. |
|
| 6 |
|
| Rema romunhu rinotaura zvenhema pfungwa dzaro dziri pakuronga kuita zvakaipa napakuita zvisingadiwe naMwari richitaura zvisiri izvo pamusoro paTenzi. Ane nzara anomuregera nenzara yavo vane nyota nenyota yake. |
|
| 7 |
|
| Zvinoitwa navanoudyire zvakashata vanoronga mazano akaipa kuti varozve varombo nenhema dzavanotaura vachitadzisa vanotambura kuwana zvinhu zvavane mvumo yokuti vawane. |
|
| 8 |
|
| Asi munhu kwaye anoitawo zvinhu nomazvo zvinhu zviri pachokwadi ndozvaanomira nazvo. |
|
| 9 |
|
| Simukai imi vakadzi makagarika, izwai izwi rangu imi vanasikana imi munozviti ndisu pano chimbonzwai zvandiri kutaura. |
|
| 10 |
|
| Mushure menguva ndikindiki inongoti pfuurei gore, muchazvishayira pazvo, iyemi vakadzi munozviti ndisu pano nokuti zvokusvina waini panenge pasisina uye zvokukohwa, panenge pasisina. |
|
| 11 |
|
| Dederai imi vakadzi makagarika, hutai iyemi munozviti ndisu pano. Pfekenurai musare musina chamakapfeka musungire muchiuno mitikisha yamasaga. |
|
| 12 |
|
| Batai gotsi mucheme, minda yakanakisa yemiti yemigirepisi inobereka muchero |
|
| 13 |
|
| mucheme ivhu ravanhu vangu mava kungokura zvamo mumunzwa norukato, ehe! Mucheme dzimba dzose dzemafaro dzomuguta remafaro |
|
| 14 |
|
| nokuti muzinda wamambo uchazongosara wakadaro guta ranga rizere navanhu richasara risisina vanhu chikomo nenharire pokutaririra zvichava matanga narini wose anofarirwa nemadhongi omusango mokufura zvamo zvipfuwo. |
|
| 15 |
|
| Kusvikira Mweya wadururirwa kwatiri uchibva kudenga renje rava munda unobereka zvirimwa munda wembeswa rave sango zvaro. |
|
| 16 |
|
| Ipapo ruenzaniso ruchawanika kunyange nokurenje ururami huchiwanika kunyange nomumunda unobereka zvirimwa. |
|
| 17 |
|
| Rugare ndoruchava muchero wokururama ikoko muchero wokururama ikoko uchava runyararo nokuvimbika nokusingaperi. |
|
| 18 |
|
| Vanhu vangu vachagara mumisha ine rugare mudzimba dzisina njodzi dzokuzororera dzine runyararo. |
|
| 19 |
|
| Sango richanyatsoparara guta richanyatsonzi pasi mbombombo. |
|
| 20 |
|
| Makakomborerwa zvenyu imi munodyara pose pane mvura munogona zvenyu kuita mombe namadhongi enyu zvokutosaidzira. |
|
|
|
|