|
| 1 |
|
| Une nhamo iwe, muparadzi, iyewe usati wamboparadzwa! Une nhamo iwe, mupanduki, iyewe usati wambopandukirwa! Paunorega kuparadza, iwe uchaparadzwa; paunorega kupandukira, iwe uchapandukirwa. |
|
| 2 |
|
| Haiwa Jehovha, tinzwirei tsitsi; tinokupangai imi. Ivai simba redu mangwanani oga oga, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika. |
|
| 3 |
|
| Pakutinhira kwenzwi renyu, ndudzi dzinotiza; pamunosimuka, marudzi anopararira. |
|
| 4 |
|
| Haiwa imi ndudzi, zvakapambwa zvenyu zvachekwa kunge zvachekwa nemhashu diki; vanhu vanomhanyira kwazviri segwatakwata remhashu. |
|
| 5 |
|
| Jehovha asimudzirwa, iye anogara kumusoro; achazadza Zioni nokururamisira nokururama. |
|
| 6 |
|
| Achava nheyo yechokwadi yenguva yenyu, nedura repfuma yoruponeso, uchenjeri nezivo; kiyi yepfuma iyi ndiko kutya Jehovha. |
|
| 7 |
|
| Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira munzira dzomumisha; nhume dzorugare dzinochema zvikuru. |
|
| 8 |
|
| Migwagwa mikuru yasiyiwa, vafambi havachisimo mumigwagwa. Sungano yaputswa, zvapupu zvayo zvazvidzwa, hapachina anoremekedzwa. |
|
| 9 |
|
| Nyika inochema uye yoparara, Rebhanoni yanyadziswa uye yasvava; Sharoni yafanana neArabha, uye Bhashani neKarimeri dzakurumuka mashizha adzo. |
|
| 10 |
|
| “Zvino ini ndichasimuka,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvino ini ndichakudzwa; zvino ini ndichasimudzirwa pamusoro. |
|
| 11 |
|
| Munoita mimba yehundi, munobereka mashanga; kufema kwenyu ndiwo moto unokuparadzai. |
|
| 12 |
|
| Marudzi achapiswa kunge suko; vacharirima kunge huni dzeminzwa dzakatemwa.” |
|
| 13 |
|
| Imi vari kure, inzwai zvandakaita; imi vari pedyo, bvumai kuti ndine simba! |
|
| 14 |
|
| Vatadzi vari muZioni vavhundutswa; vasina Mwari vodedera: “Ndianiko pakati pedu angagare nomoto unopisa nokusingaperi?” |
|
| 15 |
|
| Iye anofamba nokururama uye anotaura zvakanaka, anoramba pfuma inobva pakumanikidza uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro, anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya, uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa, |
|
| 16 |
|
| uyu ndiye munhu achagara pakakwirira, nhare dzegomo dzichava utiziro hwake. Zvokudya zvake achazvipiwa, uye haangashayiwi mvura. |
|
| 17 |
|
| Meso ako achaona mambo pakunaka kwake; uye achatarira nyika yakakura kwazvo. |
|
| 18 |
|
| Mundangariro dzako ucharangarira zvaimbokutyisa ugoti: “Aripiko muchinda mukuru uya? Aripiko uya aimbotora mutero? Aripiko muchinda aiva mutariri weshongwe?” |
|
| 19 |
|
| Vanhu vaya vokuzvikudza hauchazovaonazve, ivo vanhu vomutauro wakavanzika, vorurimi rwavo, rusinganzwiki. |
|
| 20 |
|
| Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu; meso enyu achaona Jerusarema, ugaro hworunyararo, tende risingazozungunuswi; mbambo dzaro hadzingadzurwi, kana mabote aro kudamburwa. |
|
| 21 |
|
| Asi Jehovha achava Wamasimba Ose kwatiri. Richafanana nenzvimbo yenzizi dzakapamhamha uye nehova. Magwa anokwasviwa haangasvikiko, uye zvikepe zvikuru hazvingapfuuri. |
|
| 22 |
|
| Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye anotipa murayiro, Jehovha ndiye mambo wedu; ndiye achatiponesa. |
|
| 23 |
|
| Mabote ako ava dembutembu: Haagoni kusimbisa mbambo yechikepe, sairi harina kutambanudzwa. Ipapo zvakapambwa zvakawanda zvichagoverwa, uye kunyange chirema chichawanawo zvakapambwa. |
|
| 24 |
|
| Hapana agere muZioni achati, “Ndinorwara,” uye zvivi zvavanogaramo zvicharegererwa. |
|
|
|
|