Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Mugore regumi namana rokutonga kwaMambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose akakomberedzwa aJudha akaapamba. |
| 2 |
| Ipapo mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo yake nehondo huru achibva kuRakishi kuna Mambo Hezekia muJerusarema. Mukuru wehondo akati amira pamugero weDziva roKumusoro, pamugwagwa unoenda kuMunda woMusuki, |
| 3 |
| ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, mufambisi webasa mumuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo, akabuda kundosangana naye. |
| 4 |
| Mukuru wehondo akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti, ‘Zvanzi namambo mukuru, iye mambo weAsiria: Uri kuvimba nei chaizvo? |
| 5 |
| Iwe unoti une urongwa nesimba rokurwa, asi uri kutaura mashoko asina maturo. Ko, unovimba naaniko, zvawandimukira? |
| 6 |
| Tarira zvino, unovimba neIjipiti, ruya rushanga rwomudonzvo rwakavhunika, runobaya ruoko rwomunhu nokumupa vanga kana azendemira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye. |
| 7 |
| Asi kana ukati kwandiri, “Isu tinovimba naJehovha Mwari wedu,” haasi iye here ane nzvimbo dzakakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, iye akati kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi”? |
| 8 |
| Zvino chiuya, ita sungano natenzi wangu, mambo weAsiria: Ndichakupa mabhiza anokwana zviuru zviviri, kana ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo! |
| 9 |
| Ungagona seiko kukunda mubati mumwe wavabati vadiki vatenzi vangu, kunyange uchivimba nengoro dzeIjipiti navatasvi vadzo vamabhiza? |
| 10 |
| Pamusoro pezvo, ndauya kuzorwa nenyika ino nokuiparadza ndisina Jehovha here? Jehovha pachake andiudza kuti ndiuye munyika ino ndizoiparadza.’ ” |
| 11 |
| Ipapo Eriakimu, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wehondo, “Tapota hedu, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu, sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachinzwa.” |
| 12 |
| Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wenyu nemi chete ndisingatauriwo kuvarume vagere parusvingo, ivo vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yavo kufanana nemi here?” |
| 13 |
| Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira nechiHebheru achiti, “Inzwai mashoko amambo mukuru, mambo weAsiria! |
| 14 |
| Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Iye haangagoni kukurwirai! |
| 15 |
| Musarega Hezekia achikunyengetedzai kuti muvimbe naJehovha achiti, ‘Jehovha achakurwirai zvirokwazvo; guta rino harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’ |
| 16 |
| “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake uye achanwa mvura inobva muchitubu chake, |
| 17 |
| kusvikira ndauya ndizokutorai, ndigokuendesai kunyika yakaita seyenyu, nyika ine zviyo newaini itsva, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa. |
| 18 |
| “Musarega Hezekia achikutsausai achiti, ‘Jehovha achatirwira.’ Ndimwari weipi nyika zvayo akamborwira nyika yake muruoko rwamambo weAsiria? |
| 19 |
| Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria muruoko rwangu here? |
| 20 |
| Ndavapi pakati pavamwari vendudzi dzose vakambogona kuponesa nyika dzavo kubva kwandiri? Ko, Jehovha achagona seiko kurwira Jerusarema muruoko rwangu?” |
| 21 |
| Asi vanhu vakaramba vanyerere, vakasapindura chinhu, nokuti mambo akanga arayira achiti, “Musamupindura.” |
| 22 |
| Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wehondo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/isaiah/036.mp3
66
36