Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa, zvoupenyu kwamuri hapasisina.” |
| 2 |
| Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro ndokunamata kuna Tenzi |
| 3 |
| achiti, “Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.” Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo, |
| 4 |
| ndokubva izwi raTenzi rauya kuna Isaya richiti, |
| 5 |
| “Enda kuna Hezekiya undoti, zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu. |
| 6 |
| Ndichanunura iwe neguta iro rino iri mumaoko mamambo weAsiria. Ndichadzivirira guta rino iri.” |
| 7 |
| “Chiratidzo chamunoitirwa naTenzi chamuchaziva nacho kuti Tenzi achaita zvaakuvimbisai ndechichi. |
| 8 |
| Chinzwa, ndichaitisa kuti mumvuri wechiringazuva chiya chakavakwa naAhazi udzokere shure nhano gumi zuva rorereka.” Saizvozvowo zuva rakadzokera shure nhano gumi pachiringazuva chacho dzarakanga rambofamba. |
| 9 |
| Zvakanyorwa naHezekiya mambo wokwaJudha mushure mokunge amborwara apora paurwere hwake ndezvizvi: |
| 10 |
| Ndakazviti, inga ndava kupfuura ini ndichiri kuzvinzwa kudai. Changu ini chandatemerwawo zvangu chava chokundozaririrwa munzvimbo yavachakabvu upenyu hwangu hwose. |
| 11 |
| Ndakazviti, handichazoona Tenzi, Tenzi, ndiri munyika yavapenyu. Ziso rangu harichazoona munhu zvakare ndiri mukati mavanhu vayo nyika. |
| 12 |
| Musasa wandiri wapazwa ukabviswa pandiri setendhe yomufudzi. Upenyu hwangu hwapetwa-petwa sezvinoita muruki akandidimura kubva pachirukiso kubvira kwachena kusvikira usiku munondipedzisa. |
| 13 |
| Ndinochemera rubatsiro kusvikira kuedze. Anondityora mapfupa angu ose sezvinoita mhondoro kubvira kwachena kusvikira usiku. |
| 14 |
| Sekanyenganyenga kana kuti senhapata ndinorira, ndinowuwura senjiva. Maziso angu aneta kutarisa mudenga. Tenzi, ndaona nhamo ini, ivai imi wokundichengeta! |
| 15 |
| Asi chandingataurewo chii nokuti iye ndiye ataura kwandiri, uye iye pachake ndiye azviita. Ndichananavara kufamba upenyu hwangu hwose, zvichikonzerwa nokushungurudzwa mwoyo kwandiri kuita. |
| 16 |
| Tenzi, wandichararamira ndimi, mweya wangu unoraramira imi moga. Ndiporesei mundiraramise. |
| 17 |
| Ehe, kushungurudzwa kwazvo mwoyo kwandanga ndinako, kwanga kuri kuti zvindinakirewo paupenyu. Asi pamusana porudo rwenyu makandiraramisa mugomba rokuparadzwa nokuti makakanda zvitadzo zvangu zvose shure kwenyu. |
| 18 |
| Chandinodariro ndechokuti, nzvimbo yavachakabvu haikutendei, rufu harukurumbidzei, vanoenda kugomba havangakwanise kuva nechitarisiro chokutendeka kwenyu. |
| 19 |
| Mupenyu, mupenyu chete ndiye anokutendai sezvandiri kuita nhasi uno. Madzibaba vanotaurira vana vavo nezvokutendeseka kwenyu. |
| 20 |
| Tenzi akandinunura nezvo tichiridza zvokuimbisa mazuva ose oupenyu hwedu pamba yaTenzi. |
| 21 |
| Ipapo Isaya akanga ati, ngavatore chambwa chemakuyu vachinamire pamota kuti ipore. |
| 22 |
| Hezekia akanga atobvunzawo kuti, “Chiratidzo chokuti ndichazoenda kuimba yaTenzi ndechipiko?” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/isaiah/038.mp3
66
38