Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino namazuva iwayo Hezekiya akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chirayira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ” |
| 2 |
| Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, |
| 3 |
| akati, “Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akachema kwazvo. |
| 4 |
| Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Isaya, richiti, |
| 5 |
| “Enda undoti kuna Hezekiya, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu. |
| 6 |
| Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzivirira guta rino.’ |
| 7 |
| “Hechi chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaakataura. |
| 8 |
| Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, wakanga wakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi.” Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira. |
| 9 |
| Horwu runyoro rwaHezekiya mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake. |
| 10 |
| Ndakati, ndichapinda pamusuwo eSheori achiri masikati pamazuva angu; Ndatorerwa makore angu akanga asara. |
| 11 |
| Ndakati, handichazooni Jehovha, iye Jehovha, panyika yavapenyu; Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika. |
| 12 |
| Ugaro hwangu hwaputswa, hwabviswa kwandiri setende romufudzi; Ndapeta upenyu hwangu, somuruki, uchandigura pachirukiso; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana. |
| 13 |
| Ndakachema kusvikira kwaedza; unovhuna mapfupa angu ose seshumba; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana. |
| 14 |
| Ndakarira senyenganyenga kana kondo; Ndakachema senjiva; meso angu akapera nokutarira kumusoro; Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa, ivai mumiriri wangu imi. |
| 15 |
| Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanatsa kufamba makore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu. |
| 16 |
| Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi; Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri; Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise. |
| 17 |
| Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu. |
| 18 |
| Nokuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; Vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu. |
| 19 |
| Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuwongai, sezvandinoita nhasi; baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu. |
| 20 |
| Jehovha akazvigadzira kundiponesa; Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa Mazuva ose oupenyu hwedu mumba maJehovha. |
| 21 |
| Zvino Isaya akanga ati, “Ngavatore bundu, ramawonde varinamire pamota, ipapo achapora.” |
| 22 |
| Hezekiyawo akanga ati, “Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/isaiah/038.mp3
66
38