×

Shona SUB Bible 2002

Isaya 4

1
Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti, “Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu; tinongoda kudanwa zita rako bedzi; bvisa kunyadzwa kwedu.”
2
Nezuva iro bukira raJehovha richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kuna vakapukunyuka VaIsiraeri.
3
Vakasiyiwa paZioni, navakasara paJerusaremu, ivo vachanzi vatsvene, ani naani akanyorwa pakati pavapenyu muJerusaremu;
4
kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZioni, anatsa ropa reJerusaremu achiribvisa mukati maro, nomweya wokutonga uye nomweya wokupisa.
5
Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZioni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose.
6
Kuchavapo netende, richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa