|
| 1 |
|
| “Nditeererei makanyarara imi nyika dzokumahombekombe kwegungwa, imi ndudzi dzavanhu chisungai dzisimbe muuye padyo mutaure, ngatiunganei pamwechete titongane. |
|
| 2 |
|
| “Ndiani akasvosva munhu wokumabvazuva anoti pose paatsika anongokurira chete. Anoti marudzi mumaoko make kacha achitsokodzera madzimambo pasi petsoka. Nebakatwa rake anoita kuti vave guruva, nouta hwake achivaitisa chimwandamwanda samashanga. |
|
| 3 |
|
| Anonyatsovaronda pasina kana chinomuwana nenzira dzaasati ambotsika zvake. |
|
| 4 |
|
| Ndiani akaita kuti zvose izvozvi zviitike, ndiani aipa zvijana kuzvizvarwa nezvizvarwa kubvira pakutanga? Ndinika iyeni Tenzi. Ndini iye wokutanga noWokupedzisira. |
|
| 5 |
|
| “Nyika dzokumahombekombe kwegungwa dzakazviona dzikatya, vekwakaperera nyika chaiko vakadedera vava kukotonoka kuuya. |
|
| 6 |
|
| Vanhu vari kuyamurana mumwe achitaurira mumwe wake kuti, ‘Tsunga mwoyo.’ |
|
| 7 |
|
| Mhizha yebasa inokurudzirana nemhizha yezvendarama nowokukwenenzvera achipfura nenyundo neanorova pachisindi achiti kune anonama, ‘Manamiro acho akanaka.’ Vanorovera chifananidzo chokunamata nezvipikiri kuti chirege kuzunguzika. |
|
| 8 |
|
| “Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, iwe Jakobho wandakasarudza Imi chizvarwa chaAbhurahamu, shamwari yangu. |
|
| 9 |
|
| Iwe wandakatora kubva kwakaperera nyika ndikakudaidza kubva kure kure, ndichiti kwauri ‘Iwe uri muranda wangu ndakusarudza handina kukurasa. |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo usatye nokuti ndinewe. Usatambudzike zvako mumwoyo nokuti ini ndini Mwari wako. Ini ndichakusimbisa ndichikubatsira, ndichakutsigira noruoko rwangu runokurira.’ |
|
| 11 |
|
| “Chinzwa, vose zvavo vane daka newe vachanyadziswa zvigovapazamisa, vanorwisana newe vachava sezvinhu pasina vagotsakatika. |
|
| 12 |
|
| Vanokwikwidzana newe uchavatsvaka ukavashaya vanorwisana newe vachava sechinhu chisina maturo |
|
| 13 |
|
| nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’ |
|
| 14 |
|
| “Rega kutya Jakobho, iyewe honye zvayo kudai, iyemi vanhu veIsiraeri! Ndichakubatsirai, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi; mununuri wenyu, ndini Anoera waIsiraeri. |
|
| 15 |
|
| Chinzwai, ndichakuitai chinhu chokupurisa nacho chitsva chakapinza china mazino uzopura makomo uchiaparadza, zvikomo uchizviita semarara zvawo. |
|
| 16 |
|
| Muchazviurutsa zvigopeperetswa nemhepo zvigomwarariswa nedutu. Asi imi muchazofara zvikuru muri muna Tenzi, muchakurumbira naiye Anoera waIsiraeri. |
|
| 17 |
|
| “Varombo navasina chavanacho vari kutsvaka mvura, asi hapana vatooma pahuro nenyota, ini Tenzi ndichavapindura, Ini Mwari weIsiraeri handivafuratiri. |
|
| 18 |
|
| Ndichadziura hova pazvikomo zvisina miti nezvisipiti mumapani, Renje ndichariita dziva remvura pasi pakaoma ndichipaita chisipiti chemvura. |
|
| 19 |
|
| Murenje ndichamumeresa miti yemisidhari yemiunga neyemumituri nemiorivhi, ndichisima mugwenga misaipurasi nemipureni nemipaini pamwechete |
|
| 20 |
|
| kuitira kuti vanhu vaone vagoziva, varangarire vagonzwisisa pamwechete kuti simba roruoko rwaTenzi ndorwaita izvozvi, uye kuti iye Anoera waIsiraeri ndiye asika izvozvi. |
|
| 21 |
|
| “Tenzi ari kuti, pirai nyaya yenyu muunze zvokutsigira nyaya yenyu. Ndizvo zviri kutaurwa naMambo wevokwaJakobho. |
|
| 22 |
|
| Ngavauye nazvo zvifanotinyevera zvichazoitika, zvititaurire zvinhu zvapasi chigare kuti ndezvipi zvacho, tifunge nezvazvo tizive kwazvichazoperera kana kuti zvitizivise zviri mune ramangwana, |
|
| 23 |
|
| zvititaurire zvichaitika mangwana tiziveka kuti muri vanamwari. Wanaiwo chamungaite chingave chakanaka kana chakaipa chitikangaidzeka kana kutityisa. |
|
| 24 |
|
| Chionaika kuti, hapana nezvamuri, zvamunoita zvinhu pasina. Anokusarudzai anosemesa kwazvo. |
|
| 25 |
|
| “Ndamutsa mumwe wokumaodzanyemba ari kuuya nechokumabvazuva anonamata zita rangu. Anotsokodzera vatongi semadhaka, somuumbi ari kukanya munyakwe. |
|
| 26 |
|
| Ndiani akazvitaura pakutanga kuti tizvizivewo akafanozvireva kuti tigoti, ‘Aiva pachokwadi.’ Hapana akafanozvitaura kana kuwana akazviparidza. Hapana kana neakambokunzwai muchizvitaura. |
|
| 27 |
|
| Hezvika ndatotanga kuzviparidza muZioni, ndapa kuJerusaremu muparidzi weshoko rakanaka. |
|
| 28 |
|
| Asi ndinoti ndakatarisa ndinoona pasina mumwe akadai. Pakati paivava hapana kana jinda zvaro rokuti kana ndikabvunza ringapindure. |
|
| 29 |
|
| Munongozvionawo kuti, vose zvavo mazungairwa chaiwo, zvavanoita hazvina maturo zvifananidzo zvavo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa inongovawo mhepo zvayo, hapana zviripo.” |
|
|
|
|