|
| 1 |
|
| Nyararai pamberi pangu, imi zvivi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka. |
|
| 2 |
|
| Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose pose paanotsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo. |
|
| 3 |
|
| Anodzingana navo, ndokupfuura hake zvakanaka nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake. |
|
| 4 |
|
| Ndianiko akabata basa iro nokuzviita? Ndiye anodana marudzi kubvira pakutanga; ini Jehovha, wokutanga, nowokupedzisira. |
|
| 5 |
|
| Zviwi zvakaona, zvikatya; migumo yenyika inodedera, inoswedera, youya. |
|
| 6 |
|
| Mumwe nomumwe anobatsira wokwake; anoti kuhama yake, “Tsunga hako mwoyo.” |
|
| 7 |
|
| Saizvozvo muvezi anosimbisa mupfuri wendarama, noanopfura nenyundo anosimbisa anorova panhera, achiti, “Pamusoro pokunamatidza. Zvakanaka; ndokuzvirovera nembambo kuti zvirege kuzununguka. |
|
| 8 |
|
| “Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasanangura, vana vaAbhurahamu shamwari yangu, |
|
| 9 |
|
| iwe wandakatora kumigomo yenyika, ndikakudana kumakona ayo, ndikati kwauri, ‘Uri muranda wangu, ndakakusanangura, handina kukurasha.’ |
|
| 10 |
|
| Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba. |
|
| 11 |
|
| Tarira, vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara. |
|
| 12 |
|
| “Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo. |
|
| 13 |
|
| Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, ‘Usatya, ini ndichakubatsira.’ |
|
| 14 |
|
| Usatya, Jakobho iwe honye, nemi varume VaIsiraeri; ini ndichakubatsira, ndizvo zvinotaura Jehovha, mudzikinuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri. |
|
| 15 |
|
| Tarira, ndakakuita mupuro mutsva, unopinza, una meno; uchapura makomo, nokuaputsa–putsa, uchaita zvikomo zvive sehundi. |
|
| 16 |
|
| Uchaaurutsa, achatorwa nemhepo, chamupupuri chichaaparadzira kwose; iwe uchafarira Jehovha, nokuzvirumbidza noMutsvene waIsiraeri. |
|
| 17 |
|
| “Varombo navanoshayiwa vanotsvaka mvura, asi haipo, marimi avo anooma nenyota; ini, Jehovha ndichavapindura, ini Mwari waIsiraeri, handingavarasi. |
|
| 18 |
|
| “Ndichazarura nzizi pamakomo asine miti, namatsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura. |
|
| 19 |
|
| Ndichasima parenje miti yemisidhari, nemiakasia, nemimirite, nemiorivhi; ndichaisa musango nemipani, nemifiri, iyo yose; |
|
| 20 |
|
| kuti vanhu vaone, nokuziva, nokurangarira, nokunzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvozvo, uye kuti Mutsvene waIsiraeri ndiye wakazvisika.” |
|
| 21 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Revai mhaka yenyu;” zvanzi namambo waJakobho, “Uyai namashoko enyu akasimba.” |
|
| 22 |
|
| Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa; tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo. |
|
| 23 |
|
| Tiudzei zvinhu zvichazovapo pashure, tizive kuti muri vamwari; zvirokwazvo, itai zvakanaka, kana itai zvakaipa, kuti tishamiswe, tizvione tose pamwechete. |
|
| 24 |
|
| Tarirai imi hamuzi chinhu, nebasa renyu harizi chinhu; anokusanangurai anonyangadza. |
|
| 25 |
|
| Ndamutsa mumwe anobva kurutivi rwokumusoro, zvino wasvika; mumwe anobva kumabudazuva, anodana zita rangu; iye achatsika vabati samatope, somuumbi anokanya ivhu. |
|
| 26 |
|
| Ndianiko wakatiudza izvozvo kubvira pakutanga, kuti tizive? Napanguva yakare, kuti titi, “Zvirokwazvo?” Zvirokwazvo, hakuna anotiudza, zvirokwazvo, hakuna anotiratidza, zvirokwazvo, hakuna anonzwa mashoko enyu. |
|
| 27 |
|
| Ndini ndichatanga kuti kuZioni, “Tarirai, tarirai, havo; ndichatumira Jerusaremu nhume inouya namashoko akanaka.” |
|
| 28 |
|
| Kana ndichitarira, hakuna munhu; pakati pavo hakuna chipangamazano, angapindura shoko, kana ndichivabvunza. |
|
| 29 |
|
| Tarirai, ava vose havana maturo, mabasa avo haana maturo, haazi chinhu; mifananidzo yavo yakaumbwa imhepo nezvisina maturo. |
|
|
|
|