Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| “Hoyu muranda wangu wandinotsigira munhu wandakazvisarudzira, wangu wepamwoyo. Ndakaisa Mweya wangu maari, achaunzira marudzi avanhu ruenzaniso. |
| 2 |
| Haazoita zvokudaidzira kana zvokushevedzera nenzwi rake kunyange kuita kuti rinzwike mumugwagwa. |
| 3 |
| Rutsanga runenge rwakatyoka haridimure, rambhi rine tambo inoti kamoto roi roi kubvira haaridzime, achaunzira vanhu ruenzaniso chairwo. |
| 4 |
| Haachazorasa mwoyo kana kudzokera shure. Kusvikira aunza ruenzaniso panyika, nyika dziri kumahombekombe kwegungwa dzamirira mutemo wake.” |
| 5 |
| Zvanzi naTenzi Mwari, iye akasika matenga achiatambanudza nokokoko iye akawarira nyika nezviri mairi iye anopa vanhu mweya wokufema iye anopa upenyu vanofamba mairi, |
| 6 |
| “Ndini Tenzi. Ndakakudaidzira kuzoita zvinhu chaizvo zvakarurama, ndakakubata ruoko ndikakuchengeta. Iwe ndiwe wandakaita kuti uve sechitenderano changu nendudzi dzavanhu chiedza kumarudzi avanhu |
| 7 |
| kuzozarura maziso amapofu, kuzoburitsa vasungwa mujeri rapasi pevhu kuburitsa mujeri vagere muzarima. |
| 8 |
| Ndini Yahweh, irori ndiro zita rangu. Hakuna zvako kana mumwe wandinopa ukuru hwangu kana kupa kurumbidzwa kwandinoitwa kuzvifananidzo zvokunamata zvakavezwa. |
| 9 |
| Chionaika kuti, zvinhu zvakare zvakatoitika zvino ndava kukuzivisai zvinhu zvitsva nguva yokuitika kwazvo isati yasvika, ndava kufanokutaurirai nezvazvo.” |
| 10 |
| Imbirai Tenzi rwiyo rutsva mumurumbidze, kubvira kumucheto wapasi pose. Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri nenyika dzokumahombekombe kwegungwa navagari vadzo. |
| 11 |
| Gwenga namaguta aro ngazvidaidzire nezwi razvo nemishawo inogara Kedhari. Vagari vokuSera ngavaimbe nokufara kwazvo. Ngavadaidzire vari pamusoro chaipo pamakomo. |
| 12 |
| Ngavape mbiri kuna Tenzi vadhumise mukurumbira wake munyika dzokumahombekombe kwegungwa |
| 13 |
| Tenzi ari kuenda zvake segamba chairo rehondo, anoviruka nehasha somunhu wehondo. Anodaidzira anoshevedzera achizviratidza kuti ane simba rokukurira mhandu dzake. |
| 14 |
| Kwenguva ndefu ndanga ndinyerere zvangu, ndanga ndakangobata mwoyo ndichizvidzora zvangu. Zvino ndava kuridza mhere somukadzi ari panguva yokusununguka, ndochitura femo ndichifemereka. |
| 15 |
| Makomo nezvikomo ndichazviti pasi mbombombo kuparadza ndiomese zvose zvinomeramo. Nzizi ndichadzisandura kuita zvitsuwa madziva ndichiaomesa. |
| 16 |
| Uye mapofu ndichaatungamirira nenzira yavasingazivi, ndichivatungamirira nomutunzira twavanga vasingazivi. Panzvimbo perima rakavaputira ini ndichaisa chiedza pana makomba makomba ndichiita kuti pati chechetere. Izvozvi izvi ndozvinhu zvandichaita, handisi kuzovafuratira. |
| 17 |
| Asi vachapishunurwa vachinyadziswa chaizvo vanovimba nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvakavezwa, vanoti kuzvifananidzo zvoutare hwakaita zvokunyungurutswa, “Imi ndimi vamwari vedu.” |
| 18 |
| Chinzwa unzwe iwe matsi chitarisa iwe bofu uonewo! |
| 19 |
| Ndiani chaizvo ano upofu kusatoti iye muranda wangu, kana kuti ane umatsi sohwenhume yangu yandinotuma? Ndiani chaizvo ane upofu sehwaiye akateketererweni uyu, kana kuti ane upofu hwakaita sohwemuranda waTenzi? |
| 20 |
| Unoona zvako zvinhu zvakawanda asi haunyatsozvicherechedza, nzeve dzako dzakazaruka asi haunzwe. |
| 21 |
| Tenzi, pamusana pokururama kwake, akafadzwa nokurumbidza mutemo wake nokuita kuti ukurumbire. |
| 22 |
| Asi vanhu ivava vanhu vakabhinywa, vakapambwa, vose zvavo vakazaririrwa muninga vakahwandiswa mujeri, vakapinda munhamo isina anonunura, chinhu zvacho chokupamba chisina anoti, “Ngachidzorerwe!” |
| 23 |
| Pakati penyu nyaya iyoyi ndiani angaitetekere nzeve akateerera akanzwa zvakanangana neramangwana? |
| 24 |
| Ndianiko wakaisa wokwaJakobho mumaoko omupambi, uye vokwaIsiraeri mumaoko amabhinya? Handiti ndiTenzi here watakatadzira, ana makwara avasina kutevedza ano mutemo wavasina kuteerera? |
| 25 |
| Ndokusaka akapedzera paari shungu dzokuviruka kwaakanga aita nehasha, nokumupinza munhamo yehondo. Akaputirwa namarimi omoto asi kuti zvazvaireva haana kuzvibata zvakamupisa asi chidzidzo chacho hachina kumupinda mumusoro. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/isaiah/042.mp3
66
42