|
| 1 |
|
| “Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, Israeri, wandakasarudza. |
|
| 2 |
|
| Zvanzi naJehovha, iye akakuita, akauumba mudumbu uye iye achakubatsira: Usatya, iwe Jakobho, muranda wangu, Jeshuruni, wandakasarudza. |
|
| 3 |
|
| Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota, nehova pamusoro pevhu rakaoma; ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nemikomborero yangu pamusoro pavana vako. |
|
| 4 |
|
| Vachamera souswa mudekete, semiti yemikonachando pahova dzinoyerera. |
|
| 5 |
|
| Mumwe achati, ‘Ndiri waJehovha’; mumwe achazvitumidza nezita raJakobho; zvakadaro, mumwe achanyora muruoko rwake achiti, ‘Ndiri waJehovha,’ uye achatora zita rokuti Israeri. |
|
| 6 |
|
| “Zvanzi naJehovha, Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose: Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. |
|
| 7 |
|
| Ndianiko zvino akafanana neni? Ngaazvitaure. Ngaadanidzire, azviise mberi kwangu izvo zvakaitika kubva pandakasimbisa vanhu vangu vekare, uye kuti chiiko chichaitika hongu, ngaataure zvichaitika. |
|
| 8 |
|
| Musadedera, musatya. Handina kuparidza izvi here uye ndikazvitaura kare kare? Imi muri zvapupu zvangu. Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Kwete, hakuna rimwe Dombo; hakuna rimwe randinoziva.” |
|
| 9 |
|
| Vose vanoita zvifananidzo havana maturo, uye zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri. Vose vangada kuvapupurira mapofu; havazivi, ndiko kuchava kunyadziswa kwavo. |
|
| 10 |
|
| Ndiani anoveza mwari uye anoumba chifananidzo, chisingamubatsiri chinhu? |
|
| 11 |
|
| Iye navamwe vake vachanyadziswa; mhizha hadzizi chinhu asi vanhu zvavo. Ngavaungane vose pamwe chete uye vamire vasingazungunuswi; vachaderedzwa, uye vachatya vachanyadziswa. |
|
| 12 |
|
| Mupfuri anotora chokupfurisa agochishandisa mumazimbe; anoita chifananidzo nenyundo, agochiumba nesimba roruoko rwake. Anonzwa nzara agorasikirwa nesimba rake. Mukusanwa kwake mvura anobva aziya. |
|
| 13 |
|
| Muvezi anoyera nerwodzi ozoita mutsetse nechokunyoresa; anounatsa nembezo, uye anoutara nezvienzaniso. Anouumba mumufananidzo womunhu, womunhu nokunaka kwake kwose, kuti ugare mumba. |
|
| 14 |
|
| Akatema misidhari, kana zvimwe akatora musipuresi kana muouki. Akaurega uchikura pakati pemiti yesango, kana kuti akasima mupaini, mvura ikaita kuti ukure. |
|
| 15 |
|
| Ndidzo huni dzomunhu dzokuvesa moto; dzimwe dzacho anodzitora agozvidziisa nadzo, anovesa moto agobika chingwa nadzo. Asizve anoveza chimwari agochinamata; anoita chifananidzo agochipfugamira. |
|
| 16 |
|
| Hafu yehuni anopisa mumoto, nadzo anobika zvokudya zvake, anogocha nyama yake agoidya achiguta. Anozvidziyisazve, agoti, “Haiwa! Ndadziyirwa; moto ndiri kuuona.” |
|
| 17 |
|
| Nezvasara anoita nazvo chimwari, icho chifananidzo chake; anochipfugamira agochinamata. Anonyengetera kwachiri achiti, “Ndiponesei; ndimi mwari wangu.” |
|
| 18 |
|
| Havana chavanoziva, havanzwisisi chinhu, meso avo akanamwa kuitira kuti varege kuona, uye ndangariro dzavo dzakafukidzirwa kuitira kuti varege kunzwisisa. Hapana anombomira kuti afunge, |
|
| 19 |
|
| Hapana ane ruzivo kana kunzwisisa kuti ati, “Hafu yacho ndaishandisa pakuvesa moto; ini iyeni ndabikira chingwa pamazimbe acho, ndagocha nyama ndikadya. Ndichaita zvinonyangadza pane zvasara here? Ndichapfugamira kudanda rehuni here?” |
|
| 20 |
|
| Anodya madota, mwoyo wakanyengerwa unomutsausa; haagoni kuzviponesa kana kuti ati, “Ko, chinhu ichi chiri muruoko rwangu rworudyi hachisi chenhema here?” |
|
| 21 |
|
| “Rangarira zvinhu izvi, iwe Jakobho, nokuti uri muranda wangu, iwe Israeri. Ndakakuita, uri muranda wangu; haiwa Israeri, handichakukanganwizve. |
|
| 22 |
|
| Ndakadzima kudarika kwako segore, nezvivi zvako semhute yamangwanani. Dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.” |
|
| 23 |
|
| Imbai nomufaro imi matenga, nokuti Jehovha akaita izvozvi; danidzira nesimba, iwe nyika iri pasi. Imbai nziyo, imi makomo, nemi masango nemiti yose, nokuti Jehovha adzikinura Jakobho, akaratidza kubwinya muIsraeri. |
|
| 24 |
|
| “Zvanzi naJehovha, mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu: “Ndini Jehovha, akaita zvinhu zvose, iye oga akatatamura matenga, akatambanudza nyika oga. |
|
| 25 |
|
| Iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema, anoita kuti vavuki vave mapenzi, iye anoparadza kudzidza kwavane njere, uye anokushandura kuti kuve upenzi, |
|
| 26 |
|
| anozadzisa mashoko omuranda wake, uye anozadzisa zvakaprofitwa nenhume dzake, anoti kuJerusarema, ‘Richagarwa,’ nokumaguta eJudha, ‘Achavakwa,’ nokumatongo awo, ‘Ndichaavandudza,’ |
|
| 27 |
|
| iye anoti kumvura yakadzika, ‘Oma, uye ndichaomesa hova dzako,’ |
|
| 28 |
|
| iye anoti pamusoro paSirasi, ‘Ndiye mufudzi wangu uye achaita zvose zvandinoda; iye achati pamusoro peJerusarema, “Ngarivakwezve,” uye pamusoro petemberi achati, “Nheyo dzayo ngadziteyiwe.” ’ ” |
|
|
|
|