|
| 1 |
|
| “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabata kuti akunde ndudzi pamberi pake, uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo, kuti ndizarure mikova pamberi pake, masuo agorega kupfigwa: |
|
| 2 |
|
| Ndichaenda mberi kwako uye ndichaenzanisa makomo; ndichaputsa masuo endarira uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi. |
|
| 3 |
|
| Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, anokudana nezita rako. |
|
| 4 |
|
| Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsraeri musanangurwa wangu, ndinokudana nezita rako, uye ndinoisa pamusoro pako zita rokukudzwa, kunyange iwe usingandizivi. |
|
| 5 |
|
| Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe; kunze kwangu ini hakuna Mwari. Ndichakusimbisa, kunyange usina kundiziva, |
|
| 6 |
|
| kuti kubva kumabudazuva kusvikira kwarinovirira, vanhu vazive kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Jehovha uye hakuna mumwe. |
|
| 7 |
|
| Ndinoumba chiedza uye ndinosika rima, ndinoita rugare uye ndinosika njodzi; ini Jehovha, ndini ndinoita zvinhu izvi zvose. |
|
| 8 |
|
| “Imi matenga kumusoro, nayisai kururama; makore ngaakudonhedze pasi. Nyika ngaizaruke kwazvo, ruponeso ngarutubuke, kururama ngakukure pamwe chete narwo; ini Jehovha, ndini ndakazvisika. |
|
| 9 |
|
| “Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake, iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu. Ko, ivhu ringati kumuumbi, ‘Uri kugadzirei?’ Ko, basa rako rinoti here, ‘Uyu haana maoko?’ |
|
| 10 |
|
| Ane nhamo uyo anoti kuna baba vake, ‘Chiiko chamakabereka?’ kana kuna mai vake, ‘Chiiko chamakazvara?’ |
|
| 11 |
|
| “Zvanzi naJehovha, iye Mutsvene waIsraeri, noMuiti wake: Pamusoro pezvinhu zvichauya, unondibvunza here pamusoro pavana vangu, kana kundirayira pamusoro pebasa ramaoko angu? |
|
| 12 |
|
| Ndini ndakaita nyika uye ndikasika vanhu vendudzi dzose pamusoro payo. Maoko angu pachangu akatatamura matenga; ndakarayira hondo dzawo dzose dzenyeredzi. |
|
| 13 |
|
| Ndichamutsa Sirasi mukururama kwangu: ndichaita kuti nzira dzake dzose dzirurame. Iye achavakazve guta rangu, uye achasunungura vatapwa vangu, asi pasina muripo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.” |
|
| 14 |
|
| Zvanzi naJehovha: “Zvibereko zveIjipiti nezvinoshambadzirwa zveEtiopia, navaSabhea varefu, vachauya kwauri uye vachava vako; vachatevera mushure mako. vachiuya kwauri vakasungwa nengetani. Vachapfugama pamberi pako uye vachakunyengetedza, vachiti, ‘Zvirokwazvo Mwari anewe, uye hakunazve mumwe; hakuna mumwe mwari.’ ” |
|
| 15 |
|
| Zvechokwadi muri Mwari anozvivanza, imi Mwari noMuponesi waIsraeri. |
|
| 16 |
|
| Vose vanoita zvifananidzo vachava nenyadzi uye vachanyadziswa, vachasvika pakunyadziswa pamwe chete. |
|
| 17 |
|
| Asi Israeri achaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamuchazombonyadziswi kana kuva nenyadzi, kusvikira kumakore asingaperi. |
|
| 18 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha, iye akasika matenga, ndiye Mwari; iye akaumba uye akaita nyika, ndiye akaisimbisa; haana kuisikira kuti igare isina chinhu, asi akaiumba kuti igarwe, iye anoti, “Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe. |
|
| 19 |
|
| Handina kutaura ndiri pakavanda, ndichibva kumwe kunyika yerima; handina kuti kuvana vaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi; ndinoparidza zvakarurama. |
|
| 20 |
|
| “Unganai pamwe chete muuye; unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi. Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi, vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa. |
|
| 21 |
|
| Paridzai zvichauya, muzvibudise: ngavarangane pamwe chete. Ndianiko akazvitaura kare, ndiani akazvireva kubva kare nakare? Handizini Jehovha here? Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari, Mwari akarurama noMuponesi; hakuna mumwe asi ini. |
|
| 22 |
|
| “Dzokerai kwandiri mugoponeswa, imi mose migumo yenyika; nokuti ndini Mwari, uye hakuna mumwe. |
|
| 23 |
|
| Ndakapika neni pachangu, muromo wangu wakataura nokururama kwose shoko risingazoshandurwi: Mabvi ose achapfugama pamberi pangu; ndimi dzose dzichapika neni. |
|
| 24 |
|
| Vachati pamusoro pangu, ‘Muna Jehovha chete ndimo muno kururama nesimba.’ ” Vose vakamutsamwira vachauya kwaari uye vachanyadziswa. |
|
| 25 |
|
| Asi rudzi rwose rwaIsraeri ruchawanikwa rwakarurama muna Jehovha uye ruchafara. |
|
|
|
|