×

Shona SUB Bible 2002

Isaya 46

1
Bheri anowira pasi, Nebho anokotama; zvifananidzo zvavo zviri pamusoro pezvipfuwo nemombe, zvinhu zvamaitakura zvakaitwa mutoro, wakatakudzwa zvipfuwo zvaneta.
2
Vanokotama, vanowira pasi pamwechete, vakakoniwa kurwira mutoro, asi ivo vamene vakatapwa.
3
“Nditeererei, imi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakasimudzwa kubva pachizvaro;
4
kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.
5
Muchandifananidza naniko, nokundienzanisa nani, nokunditi ndakaita sani, wandingafanana naye?
6
Ivo vanodurura ndarama pahombodo, nokuyera sirivha nechiyero, vanoripira mupfuri wendarama, iye ndokuita mwari nayo; zvino vopfugama, nokunamata.
7
Vanochikwidza pamapfudzi, vanochitakura, ndokuchigadzika panzvimbo yacho, icho ndokumira; hachibvi panzvimbo yacho, zvirokwazvo, kunyangwe munhu akadana kwachiri, hachigoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.
8
“Rangarirai chinhu ichi, muve varume, fungaizve chinhu ichi, imi vadariki.
9
Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna akafanana neni;
10
iye anoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare–kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, ‘Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;’
11
ndinodana gondo ribve kumabvazuva, munhu wandakarayirira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.
12
Nditeererei, imi mune mwoyo mikukutu, imi muri kure nokururama;
13
Ndichaswededza kururama kwangu, hakungavi kure, noruponeso rwangu harunganonoki; ndichaisa ruponeso paZioni, nokubwinya kwangu pakati paIsiraeri.”
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa